I THESSALONIANS
Chapter 3
I Th | Shona | 3:1 | Saka zvatakange tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri tega paAtene, | |
I Th | Shona | 3:2 | ndokutuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai maererano nerutendo rwenyu, | |
I Th | Shona | 3:3 | kuti kurege kuva neumwe anozununguswa nematambudziko awa, nokuti munoziva momene kuti takamisirwa izvozvi. | |
I Th | Shona | 3:4 | Nokuti kunyange tichinemwi, takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa, kunyange sezvazvakaitika, nemwi munoziva. | |
I Th | Shona | 3:5 | Nekuda kweizvozviwo zvandakange ndisisagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe pamwe muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina. | |
I Th | Shona | 3:6 | Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, wakatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzese, muchishuva zvikuru kutiona, sesuwo imwi; | |
I Th | Shona | 3:7 | nekuda kwezvizvi takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu padambudziko redu rese nenhamo nerutendo rwenyu; | |
I Th | Shona | 3:9 | Nokuti kuvonga kwakadini kwatingagona kuripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wese watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu? | |
I Th | Shona | 3:10 | Siku nesikati tichinyengetera zvikurusa kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu. | |
I Th | Shona | 3:11 | Zvino dai Mwari pachake naBaba vedu, naIshe wedu Jesu Kristu aruramisira nzira yedu kwamuri; | |
I Th | Shona | 3:12 | uye dai Ishe akukurisai nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vese, sesuwo kwamuri, | |