Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
III JOHN
Up
1
Toggle notes
Chapter 1
III Shona 1:1  Mukuru, kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.
III Shona 1:2  Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvese kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya wako uchibudirira.
III Shona 1:3  Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi.
III Shona 1:4  Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi.
III Shona 1:5  Mudikanwi, unoita nekutendeka zvese zvaunobata kuhama nekuvaeni,
III Shona 1:6  vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari.
III Shona 1:7  Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni.
III Shona 1:8  Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.
III Shona 1:9  Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri.
III Shona 1:10  Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke.
III Shona 1:11  Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
III Shona 1:12  Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevese, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.
III Shona 1:13  Ndakange ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
III Shona 1:14  asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita.