Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
I CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 5
I Co Shona 5:1  Zvinonzwikwa chose kuti upombwe huripo pakati penyu, uye upombwe hwakadaro husingataurwi kunyange pakati pevahedheni, zvekuti umwe ave nemukadzi wababa vake.
I Co Shona 5:2  Asi imwi munozvikudza, uye pachinzvimbo chaizvozvo hamuna kuchema, kuti wakaita chiito ichi abviswe pakati penyu.
I Co Shona 5:3  Nokuti iniwo zvirokwazvo, sendisipo pamuviri, asi ndiripo pamweya ndatogura zveuyo wakaita chiito chakadai ichi, sendinenge ndiripo,
I Co Shona 5:4  muzita raIshe wedu Jesu Kristu, maungana nemweya wangu nesimba raIshe wedu Jesu Kristu,
I Co Shona 5:5  kukumikidza wakadai kuna Satani mukuparadzwa kwenyama, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe Jesu.
I Co Shona 5:6  Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wese?
I Co Shona 5:7  Naizvozvo sukai kwazvo mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvamusina kuiswa mbiriso. Nokuti nepasika yedu yakabairwa isu, iye Kristu.
I Co Shona 5:8  Saka ngatichengetedze mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yekuipa nekutadza; asi nechingwa chisina mbiriso chakatendeka nechechokwadi.
I Co Shona 5:9  Ndakakunyorerai mutsamba kuti musafambidzana nemhombwe;
I Co Shona 5:10  asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana nevapambi, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika.
I Co Shona 5:11  Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi, kana munamati wezvifananidzo, kana mutuki, kana muraradzi, kana mupambi; musatongodya newakadai.
I Co Shona 5:12  Nokuti ini ndinei nekutongawo vari kunze? Imwi hamutongi vari mukati here?
I Co Shona 5:13  Asi avo vari kunze Mwari anotonga. Uye dzingai wakaipa abve pakati penyu pachenyu.