I CORINTHIANS
Chapter 9
I Co | Shona | 9:1 | Handisi muapositori here? Handisi wakasununguka here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imwi hamusi basa rangu muna Ishe here? | |
I Co | Shona | 9:2 | Kana ndisiri muapositori kuna vamwe, asi zvirokwazvo ndiri iye kwamuri; nokuti mucherechedzo wevuapositori hwangu ndimwi muna Ishe. | |
I Co | Shona | 9:5 | Hatina simba rekutenderera nehanzvadzi mudzimai sevamwewo vaapositori, nevanin'ina vaIshe naKefasi here? | |
I Co | Shona | 9:7 | Ndiani anomboshanda muchiuto achizviripira mubairo? Ndiani anorima munda wemizambiringa, ndokusadya zvechibereko chawo? Kana ndiani anofudza boka akasadya zvemukaka weboka? | |
I Co | Shona | 9:9 | Nokuti kwakanyorwa mumurairo waMozisi kuti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Kuti Mwari ane hanya nenzombe? | |
I Co | Shona | 9:10 | Kana anoreva zvirokwazvo nekuda kwedu? Nokuti kwakanyorwa nekuda kwedu, kuti anorima anofanira kurima mutariro, neanopura mutariro yake, kugoverwa mutariro. | |
I Co | Shona | 9:11 | Kana isu takadzvara kwamuri zvinhu zvemweya, chinhu chikuru here kana isu tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama? | |
I Co | Shona | 9:12 | Kana vamwe vachigovana kodzero pamusoro penyu, isu hativadariki here? Asi hatina kushandisa kodzero iyi, asi tinoitira moyo murefu zvese, kuti tirege kupa chipinganidzo kuevhangeri yaKristu. | |
I Co | Shona | 9:13 | Hamuzivi here kuti avo vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanodya zvetembere, vanorindira paaritari vanogovana nearitari here? | |
I Co | Shona | 9:15 | Asi ini handina kushandisa chimwe chezvinhu izvi; uye handina kunyora zvinhu izvi kuti zviitwe saizvozvo kwandiri, nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife, pakuti umwe ashaise kuzvikudza kwangu maturo. | |
I Co | Shona | 9:16 | Nokuti kunyange ndichiparidza evhangeri, handina chekuzvikudza nacho, nokuti faniro yakatakudzwa pamusoro pangu; asi ndine nhamo, kana ndisingaparidzi evhangeri. | |
I Co | Shona | 9:17 | Nokuti kana ndichiita chinhu ichi ndichizvidira, ndine mubairo; asi kana ndisingadi, ndakabatiswa utariri. | |
I Co | Shona | 9:18 | Ko mubairo wangu chii? Kuti kana ndichiparidza evhangeri ndiite kuti evhangeri yaKristu isabhadharwa, kuti ndirege kushandisa kodzero yangu zvakapfuurikidza muevhangeri. | |
I Co | Shona | 9:19 | Nokuti ndakasununguka kune vese, ndizviite muranda kune vese, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. | |
I Co | Shona | 9:20 | Uye kuVaJudha ndakava semuJudha, kuti ndiwane VaJudha; kune vari pasi pemurairo seari pasi pemurairo, kuti ndiwane vari pasi pemurairo; | |
I Co | Shona | 9:21 | kune vasina murairo seasina murairo (ndisati ndiri asina murairo kuna Mwari, asi mumurairo kuna Kristu), kuti ndiwane vasina murairo; | |
I Co | Shona | 9:22 | kune vasina simba ndakava seasina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvinhu zvese kune vese, kuti ndiponese vamwe nemitoo yese. | |
I Co | Shona | 9:24 | Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vese, asi umwe anogamuchira mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane. | |
I Co | Shona | 9:25 | Uye umwe neumwe anokwikwidza anozvidzora pazvinhu zvese; zvino ivo vanozviita kuti vagamuchire korona inoparara, asi isu isingaparari. | |
I Co | Shona | 9:26 | Naizvozvo ini ndinomhanya saizvozvo kwete seasina chokwadi; saizvozvo ndinorwa kwete seanorova mhepo; | |