Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
I CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 14
I Co Shona 14:1  Tevererai rudo; mushuve zvikuru zvemweya, asi zvikurusa kuti muporofite.
I Co Shona 14:2  Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika.
I Co Shona 14:3  Asi anoporofita anotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo.
I Co Shona 14:4  Anotaura nendimi anozvivaka iye; asi anoporofita anovaka kereke.
I Co Shona 14:5  Ndinodawo kuti imwi mese mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa.
I Co Shona 14:6  Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso?
I Co Shona 14:7  Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa rudimbwa?
I Co Shona 14:8  Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo?
I Co Shona 14:9  Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo.
I Co Shona 14:10  Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu.
I Co Shona 14:11  Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri.
I Co Shona 14:12  Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke.
I Co Shona 14:13  Naizvozvo anotaura nendimi ngaanyengetere kuti adudzire.
I Co Shona 14:14  Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu hadzina chibereko.
I Co Shona 14:15  Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo.
I Co Shona 14:16  Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura?
I Co Shona 14:17  Nokuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haavakwi.
I Co Shona 14:18  Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mese;
I Co Shona 14:19  asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi.
I Co Shona 14:20  Hama, musava vana pafungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru.
I Co Shona 14:21  Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe.
I Co Shona 14:22  Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda.
I Co Shona 14:23  Naizvozvo kana kereke yese yaungana panzvimbo imwe, vese ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here?
I Co Shona 14:24  Asi kana vese vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevese, aongororwe nevese;
I Co Shona 14:25  uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
I Co Shona 14:26  Zvino chii, hama? Pega-pega pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvese ngazviitirwe kuvaka.
I Co Shona 14:27  Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire.
I Co Shona 14:28  Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaataure kwaari nekuna Mwari.
I Co Shona 14:29  Vaporofitawo ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavatonge.
I Co Shona 14:30  Asi kana zvakazarurirwa umwe agerepo, wekutanga ngaanyarare.
I Co Shona 14:31  Nokuti mese mungaporofita umwe-umwe, kuti vese vadzidze, uye vese vakurudzirwe;
I Co Shona 14:32  nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita.
I Co Shona 14:33  Nokuti Mwari haasi wenyonga-nyonga, asi werugare, sapamakereke ese evatsvene.
I Co Shona 14:34  Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo.
I Co Shona 14:35  Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke.
I Co Shona 14:36  Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri mega here?
I Co Shona 14:37  Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe.
I Co Shona 14:39  Naizvozvo, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi.
I Co Shona 14:40  Zvinhu zvese ngazviitwe nemutoo wakafanira uye zvichitevedzana.