Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
I CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 1
I Co Shona 1:1  Pauro wakadanwa kuva muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naSositenesi hama,
I Co Shona 1:2  kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadanwa kuva vatsvene, pamwe nevese vanodana kuzita raIshe wedu Kristu Jesu panzvimbo yega-yega, wavo neweduwo:
I Co Shona 1:3  Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
I Co Shona 1:4  Ndinovonga Mwari wangu nguva dzese maererano nemwi, nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwamuri muna Kristu Jesu;
I Co Shona 1:5  kuti pachinhu chese makafumiswa maari, panhaurwa yese neruzivo rwese,
I Co Shona 1:6  sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri;
I Co Shona 1:7  kuti hamushaiwi pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa pachena kwaIshe wedu Jesu Kristu,
I Co Shona 1:8  iye achakusimbisaiwo kusvika kumagumo, kuti musava nemhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.
I Co Shona 1:9  Mwari wakatendeka, wamakadanwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.
I Co Shona 1:10  Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mese mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu, asi muve vakakwana pamurangariro umwe nemuonero umwe.
I Co Shona 1:11  Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu.
I Co Shona 1:12  Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu anoti: Ini ndiri waPauro, iniwo waAporo, asi ini waKefasi, iniwo waKristu.
I Co Shona 1:13  Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchinjikwa imwi here, kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
I Co Shona 1:14  Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza umwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo;
I Co Shona 1:15  kuti kurege kuva neanoti ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene.
I Co Shona 1:16  Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kweizvi handizivi kana ndakabhabhatidza umwe munhu.
I Co Shona 1:17  Nokuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuzoparidza evhangeri; kwete nenjere dzeshoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKristu ushaiswe maturo.
I Co Shona 1:18  Nokuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.
I Co Shona 1:19  Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevanzwisisi.
I Co Shona 1:20  Aripi wakachenjera? Aripi munyori? Aripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here?
I Co Shona 1:21  Nokuti zvakadaro muuchenjeri hwaMwari nyika neuchenjeri haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari neupenzi hwemharidzo kuponesa vanotenda.
I Co Shona 1:22  Nokuti neVaJudha vanokumbira chiratidzo, VaGirikiwo vanotsvaka uchenjeri;
I Co Shona 1:23  asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuVaJudha chigumbuso, nekuVaGiriki upenzi;
I Co Shona 1:24  asi kune vakadanwa, VaJudha pamwe neVaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari;
I Co Shona 1:25  nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura hwevanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura hwevanhu.
I Co Shona 1:26  Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama, havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji vepamusoro;
I Co Shona 1:27  asi Mwari wakasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakasarudza zvinhu zveutera zvenyika, kuti anyadzise zvine simba;
I Co Shona 1:28  nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo;
I Co Shona 1:30  Asi naye imwi muri muna Kristu Jesu, wakaitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikunuro;
I Co Shona 1:31  kuti sezvazvakanyorwa zvichinzi: Anozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe.