Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
I CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 10
I Co Shona 10:1  Uye handidi kuti murege kuziva, hama, kuti madzibaba edu ese akange ari pasi pegore, uye ese akagura nemugungwa,
I Co Shona 10:2  uye ese akabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa,
I Co Shona 10:4  uye ese akanwa zvinwiwa zvimwe zvemweya; nokuti akanwa kubva padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro rakange riri Kristu.
I Co Shona 10:5  Asi muruzhinji rwawo Mwari haana kufadzwa; nokuti akaparadzwa murenje.
I Co Shona 10:6  Zvino zvinhu izvi zvakava mifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvakaipa, sezvavakashuvawo.
I Co Shona 10:7  Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvakwakanyorwa, kuchinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekunwa, ndokusimuka kutamba.
I Co Shona 10:8  Uye ngatirege kupomba, sevamwe vavo vakaita upombwe, ndokuwa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu.
I Co Shona 10:9  Uye ngatirege kuidza Kristu, sevamwe vavowo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.
I Co Shona 10:10  Muregewo kun'un'una, sevamwe vavowo vakan'un'una, vakaparadzwa nemuparadzi.
I Co Shona 10:11  Zvinhu izvi zvese zvakavawirawo kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nemagumo enyika.
I Co Shona 10:12  Naizvozvo anofunga kuti amire, ngaaone kuti haawi.
I Co Shona 10:13  Hakuna muedzo wakakubatai kunze kweuri muvanhu; asi Mwari wakatendeka, asingazotenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo, asi pamwe nemuedzo achaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura.
I Co Shona 10:14  Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo.
I Co Shona 10:15  Ndinotaura sekune vakachenjera; imwi tongai zvandinotaura.
I Co Shona 10:16  Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here?
I Co Shona 10:17  Nokuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nokuti isu tese tinogovana pachingwa chimwe.
I Co Shona 10:18  Tarirai Israeri zvepanyama; vanodya zvibairo havasi ivo vanogoverana nearitari here?
I Co Shona 10:19  Ko ndoti kudii? Kuti chifananidzo chinhu here? Kana kuti chakabairwa chifananidzo chinhu here?
I Co Shona 10:20  Asi kuti vahedheni zvavanobaya, vanozvibaira madhimoni, uye kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni.
I Co Shona 10:21  Hamugoni kunwa mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamugoni kugovana tafura yaIshe netafura yemadhimoni.
I Co Shona 10:22  Kana tinozvimutsira godo Ishe here? Ko takasimba kumupfuura here?
I Co Shona 10:23  Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinobatsira. Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinovaka.
I Co Shona 10:24  Kusava neanozvitsvakira zvake, asi umwe neumwe zveumwe.
I Co Shona 10:25  Zvese zvinotengeswa pamisika yenyama idyai, musingabvunzi chinhu nekuda kwehana;
I Co Shona 10:27  Uye kana umwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, chese chinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana.
I Co Shona 10:28  Asi kana umwe akati kwamuri: Ichi chakabairwa chifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye kwehana; nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.
I Co Shona 10:29  Asi hana ndinoti, isati iri yako, asi yeumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerwei nehana yeumwe?
I Co Shona 10:30  Uye kana ini nenyasha ndichiwana mugove, ndingagotukirwei nekuda kwechinhu chandinovonga ini?
I Co Shona 10:31  Naizvozvo kana muchidya, kana kunwa, kana chipi nechipi chamunoita, zviitirei rukudzo rwaMwari.
I Co Shona 10:32  Regai kugumbusa zvese kuVaJudha nekuVaGiriki nekukereke yaMwari;
I Co Shona 10:33  seniwo ndinofadza vese pazvese, ndisingatsvaki rubatsiro rwangu, asi rwevazhinji, kuti vaponeswe.