Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
I CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 8
I Co Shona 8:1  Zvino maererano nezvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti tese tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunovaka.
I Co Shona 8:2  Uye kana ani nani achifunga kuti anoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva;
I Co Shona 8:3  asi kana ani achida Mwari, ndiye anozikanwa naye.
I Co Shona 8:4  Naizvozvo maererano nekudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachisi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe.
I Co Shona 8:5  Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga, kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji),
I Co Shona 8:6  asi kwatiri kuna Mwari umwe, Baba, zvinhu zvese zvinouya naye, nesu tiri maari; naIshe umwe, Jesu Kristu, zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, nesu tiripo naye.
I Co Shona 8:7  Asi ruzivo harwuko kwavari vese; nokuti vamwe vane hana yechifananidzo kusvikira ikozvino, vanodya sezvakabairwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa.
I Co Shona 8:8  Zvino kudya hakutiswededzi kuna Mwari; kwete nokuti kana tichidya, tinowanzirwa; uye kwete kuti kana tisingadyi, tinoshaiwa.
I Co Shona 8:9  Zvino chenjerai, zvimwe kodzero yenyu iyi ive chigumbuso kune avo vasina simba.
I Co Shona 8:10  Nokuti kana umwe achikuona iwe ane ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yeasina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabairwa zvifananidzo here?
I Co Shona 8:11  Uye neruzivo rwako hama isina simba ichaparara here, Kristu yaakafira?
I Co Shona 8:12  Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu.
I Co Shona 8:13  Naizvozvo kana kudya kuchigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvikira narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.