Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
I CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 16
I Co Shona 16:1  Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratia, imwiwo itai saizvozvo.
I Co Shona 16:2  Nemusi wekutanga wega-wega wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.
I Co Shona 16:3  Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa zvipo zvenyu kuJerusarema.
I Co Shona 16:4  Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.
I Co Shona 16:5  Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia;
I Co Shona 16:6  uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pese pandinoenda.
I Co Shona 16:7  Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera.
I Co Shona 16:8  Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita*.
I Co Shona 16:9  Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru uye unesimba; nevanopikisa vazhinji varipo.
I Co Shona 16:10  Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo.
I Co Shona 16:11  Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama.
I Co Shona 16:12  Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chakange chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira.
I Co Shona 16:13  Rindai, mumire makasimba murutendo, itai sevarume, musimbe.
I Co Shona 16:15  Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;
I Co Shona 16:16  kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vese vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira.
I Co Shona 16:17  Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForichunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.
I Co Shona 16:18  Nokuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo rangarirai vakadaro.
I Co Shona 16:19  Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.
I Co Shona 16:20  Hama dzese dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
I Co Shona 16:22  Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave chakatukwa. Uyai Ishe!
I Co Shona 16:24  Rudo rwangu ngaruve nemwi mese muna Kristu Jesu. Ameni.