I TIMOTHY
Chapter 2
I Ti | Shona | 2:1 | Naizvozvo kutanga pazvese ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vese; | |
I Ti | Shona | 2:2 | pamadzimambo nevese vari panzvimbo dzakakwirira kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kwese nerukudzo; | |
I Ti | Shona | 2:5 | Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu, | |
I Ti | Shona | 2:7 | icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi. | |
I Ti | Shona | 2:8 | Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzese, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana. | |
I Ti | Shona | 2:9 | Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera*, kana nguvo dzinodhura, | |
I Ti | Shona | 2:12 | Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara. | |