I TIMOTHY
Chapter 1
I Ti | Shona | 1:1 | Pauro, muapositori waJesu Kristu nekuraira kwaMwari Muponesi wedu, nekwaIshe Jesu Kristu tariro yedu, | |
I Ti | Shona | 1:2 | kuna Timotio mwana wangu chaiye parutendo: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naJesu Kristu Ishe wedu. | |
I Ti | Shona | 1:3 | Sezvandakakukurudzira kuti ramba ugere paEfeso, ndichienda kuMakedhonia, kuti uraire vamwe kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso, | |
I Ti | Shona | 1:4 | kana kuchenjerera ngano nenhoroondo dzemadzinza dzisingaperi, dzinomutsa gakava pane kuvaka kwaMwari kuri murutendo. | |
I Ti | Shona | 1:5 | Asi chinangwa chemurairo rudo rwunobva pamoyo wakachena nehana yakanaka nerutendo rusinganyepedzeri; | |
I Ti | Shona | 1:7 | vachida kuva vadzidzisi vemurairo, vasinganzwisisi kana zvavanoreva, kana maererano nezvavanosimbisa. | |
I Ti | Shona | 1:9 | achiziva izvi, kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina murairo nevasingateereri, vasingadi Mwari nevatadzi, vasiri vatsvene nevasina hanya naMwari, mhondi dzemadzibaba nemhondi dzana amai, vanouraya vanhu, | |
I Ti | Shona | 1:10 | mhombwe, ngochani, vanopamba vanhu, vanyepi, vaputsi vemhiko, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakagwinya, | |
I Ti | Shona | 1:12 | Uye ndinovonga wakandigonesa, Kristu Jesu Ishe wedu, kuti wakandiona ndakatendeka, akandiisa paushumiri, | |
I Ti | Shona | 1:13 | ini ndaimbova munyombi nemushushi nemutuki; asi ndakawana tsitsi, nokuti ndakaita nekusaziva pakusatenda; | |
I Ti | Shona | 1:14 | asi nyasha dzaIshe wedu dzakawedzeresa pamwe nerutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu. | |
I Ti | Shona | 1:15 | Ishoko rakatendeka uye rinofanira kugamuchirwa chese, kuti Kristu Jesu wakauya munyika kuzoponesa vatadzi, vandiri ini mukuru wavo; | |
I Ti | Shona | 1:16 | asi nekuda kweizvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ndinova mukuru, Jesu Kristu aratidze moyo murefu wese, uve muenzaniso kune vanozotenda kwaari, paupenyu husingaperi. | |
I Ti | Shona | 1:17 | Zvino kuna Mambo wekusingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari wega wakachenjera, ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. | |
I Ti | Shona | 1:18 | Murairo uyu ndinokumikidza kwauri, mwana wangu Timotio, sezviporofita zvakatanga pamusoro pako, kuti nazvo urwe kurwa kwakanaka; | |
I Ti | Shona | 1:19 | wakabata rutendo nehana yakanaka, vamwe vakati vairasa zvichienderana nerutendo vakaputsikirwa nechikepe, | |