ROMANS
Chapter 13
Roma | Shona | 13:1 | Mweya umwe neumwe ngauzviise pasi pemasimba epamusoro; nokuti hakuna simba kunze kwerakabva kuna Mwari; masimba aripo akagadzwa naMwari. | |
Roma | Shona | 13:2 | Naizvozvo anopikisa simba anopikisa chimiso chaMwari; zvino ivo vanopikisa vanozvigamuchirira kuraswa. | |
Roma | Shona | 13:3 | Nokuti vatongi havasi chityiso kumabasa akanaka, asi kune akaipa. Zvino unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, zvino uchava nerumbidzo kubva kwariri; | |
Roma | Shona | 13:4 | nokuti ndiro muranda waMwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya; nokuti harina kubatira munondo pasina; nokuti muranda waMwari, mutsivi pahasha kune anoita zvakaipa. | |
Roma | Shona | 13:5 | Naizvozvo zvakafanira kuzviisa pasi, kwete nekuda kwehasha chete, asi nekuda kwehanawo. | |
Roma | Shona | 13:6 | Nokuti nekuda kwezvizvi munoterawo; nokuti varanda vaMwari, vanoramba vachibatirira chinhu ichochi. | |
Roma | Shona | 13:7 | Naizvozvo ripirai vese zvakafanira: Mutero kuna vanofanira mutero; mubhadharo kune vanofanira mubhadharo; kutyiwa kune vanofanira kutyiwa; rukudzo kune vanofanira rukudzo. | |
Roma | Shona | 13:9 | Nokuti izvi zvekuti: Usapomba, usauraya, usaba, usapupura nhema, usachiva, kana kune murairowo upi neupi, zvakasanganiswa pashoko iri, rekuti: Ude wekwako sezvaunozvida iwe. | |
Roma | Shona | 13:11 | Uye izvi, muchiziva nguva, kuti ratova awa rekuti timuke pahope; nokuti ikozvino ruponeso rwedu rwava pedo kupfuura patakatenda. | |
Roma | Shona | 13:12 | Usiku hwaenda, uye zuva rava pedo; naizvozvo ngatibvise mabasa erima, uye ngatishonge zvombo zvechiedza. | |
Roma | Shona | 13:13 | Ngatifambe zvakafanira, sapamasikati, kwete mumitambo yemafaro akaipa nekuraradza, kwete pamabonde nekunyangadza, kwete mugakava negodo. | |