Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
ROMANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 14
Roma Shona 14:1  Zvino ane utera parutendo mugamuchirei, kwete negakava pamaonero.
Roma Shona 14:2  Umwe anotenda kudya zvese, asi ane utera anodya miriwo.
Roma Shona 14:3  Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi, uye asingadyi ngaarege kutonga anodya; nokuti Mwari wakamugamuchira.
Roma Shona 14:4  Iwe ndiwe ani anotonga muranda weumwe? Anomira kana kuwa kuna ishe wake pachake. Achamiswa zvirokwazvo; nokuti Mwari anogona kumumisa.
Roma Shona 14:5  Umwe anotemera zuva kupfuura rimwe zuva; umwe anotemera zuva rimwe nerimwe zvakafanana. Umwe neumwe ngaazivisise mumurangariro wake pachake.
Roma Shona 14:6  Uyo anorangarira zuva, anorirangarira muna Ishe; neasingarangariri zuva, haarangariri muna Ishe; anodya anodya kuna Ishe, nokuti anovonga Mwari; uye asingadyi haadyi muna Ishe, uye anovonga Mwari.
Roma Shona 14:7  Nokuti hakuna umwe kwatiri anozviraramira, uye hakuna anozvifira.
Roma Shona 14:8  Nokuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa, tinofira Ishe; naizvozvo kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe.
Roma Shona 14:9  Nokuti naKristu wakafira izvozvi, uye akamuka, akararamazve kuti ave Ishe wevese vakafa nevapenyu.
Roma Shona 14:10  Zvino iwe unotongerei hama yako? Kana newe unozvidzirei hama yako? Nokuti isu tese tichamira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu.
Roma Shona 14:11  Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, anodaro Ishe; ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchabvuma kuna Mwari.
Roma Shona 14:12  Naizvozvo zvino umwe neumwe wedu achazvidavirira pachake kuna Mwari.
Roma Shona 14:13  Naizvozvo ngatirege kuva tichatongana; asi zviri nani mutonge izvi, kuti tisaisira hama chigumbuso kana chipinganidzo.
Roma Shona 14:14  Ndinoziva uye ndine chokwadi muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chakasviba pachacho; asi kune uyo anofunga kuti chakasviba, kwaari chakasviba.
Roma Shona 14:15  Asi kana hama yako ichishungurudzwa nekudya, hauchafambi maererano nerudo. Usamuparadza nekudya kwako, uyo Kristu waakafira.
Roma Shona 14:16  Naizvozvo zvakanaka zvenyu ngazvirege kunyombwa.
Roma Shona 14:17  Nokuti ushe hwaMwari hahusi kudya nechinwiwa, asi kururama nerugare nemufaro muMweya Mutsvene.
Roma Shona 14:18  Nokuti anoshumira Kristu pazvinhu izvi, anogamuchirika kuna Mwari, uye anotendwa kuvanhu.
Roma Shona 14:19  Naizvozvo zvino ngatitsvakisise zvinhu zverugare, nezvinhu zvekuvakana.
Roma Shona 14:20  Rega kuparadza basa raMwari nekuda kwekudya. Zvese zvakachena, asi zvakaipa kumunhu anodya nechigumbuso.
Roma Shona 14:21  Zvakanaka kusadya nyama, kana kunwa waini, kana chimwe hama yako chaingagumburwa nacho kana kukanganiswa kana kushaiwa simba.
Roma Shona 14:22  Iwe une rutendo here? Iva narwo pachako pamberi paMwari. Wakaropafadzwa asingazvitongi pachinhu chaanotendera.
Roma Shona 14:23  Asi asina chokwadi, kana achidya, wava nemhosva, nokuti haadyi nerutendo; uye chese chisingabvi parutendo, chivi.