Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
ROMANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 16
Roma Shona 16:1  Ndinorumbidza kwamuri Febhe hanzvadzi yedu, anova murandakadzi wekereke iri paKenikireya;
Roma Shona 16:2  kuti mumugamuchire muna Ishe sezvinofanira vatsvene, uye kuti mumubatsire panhau ipi neipi yaangashaiwa kwamuri; nokuti iyewo wakava mubatsiri wevazhinji, newangu ndomene.
Roma Shona 16:3  Kwazisai Prisira naAkwira vashandi pamwe neni muna Kristu Jesu.
Roma Shona 16:4  Ivo nekuda kweupenyu hwangu vakaradzika mutsipa wavo pachavo, vandisingavongi ini ndega, asi nemakereke ese evahedheni;
Roma Shona 16:5  kwazisaiwo kereke iri paimba yavo. Kwazisai Epaeneto mudikanwi wangu, anova chibereko chekutanga cheAkaya muna Kristu.
Roma Shona 16:7  Kwazisai Andoroniko naJunia hama dzangu nevakasungwa pamwe neni, vane mbiri pakati pevaapositori, vakanditangirawo kuva muna Kristu.
Roma Shona 16:8  Kwazisai Amupiriyasi mudikanwi wangu muna Ishe.
Roma Shona 16:9  Kwazisai Obhano mushandi pamwe nesu muna Kristu, naStako mudikanwi wangu.
Roma Shona 16:10  Kwazisai Apere anotendwa muna Kristu. Kwazisai vekwaArisitobhuro.
Roma Shona 16:11  Kwazisai Herodhio hama yangu. Kwazisai vekwaNakiso, vari muna Ishe.
Roma Shona 16:12  Kwazisai Trufaina naTrufosa vakadzi vanoshanda muna Ishe. Kwazisai Perisisi mukadzi anodikanwa, wakashanda zvikuru muna Ishe.
Roma Shona 16:13  Kwazisai Rufosi wakasanangurwa muna Ishe, namai vake vari vanguwo.
Roma Shona 16:14  Kwazisai Asingirita, Firegoni, Herimasi, Patrobhasi, Herimesi, nehama dzinavo.
Roma Shona 16:15  Kwazisai Firorogosi naJuria, Nerusi nehanzvadzi yake, naOrimba, nevatsvene vese vanavo.
Roma Shona 16:16  Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. Makereke aKristu anokukwazisai.
Roma Shona 16:17  Zvino ndinokukumbirisai, hama, ngwarirai avo vanoita mhesaniso uye zvigumbuso, zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imwi, uye muvanzvenge.
Roma Shona 16:18  Nokuti vakadaro havashandiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; uye neshoko rakanaka nekutaura kwakanaka vanonyengera moyo yevasina mhosva.
Roma Shona 16:19  Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kune vese. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune chakanaka, asi vakachena kune chakaipa.
Roma Shona 16:20  Zvino Mwari werugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.
Roma Shona 16:21  Timotio, mushandi pamwe neni, naRukio naJasoni naSosipatro hama dzangu vanokukwazisai.
Roma Shona 16:22  Ini Tetiosi, anonyora tsamba, ndinokukwazisai muna Ishe.
Roma Shona 16:23  Gayosi, mugamuchiri wangu nekereke yese, anokukwazisai. Erastosi muchengeti wemari yeguta anokukwazisai, naKwaritosi hama.
Roma Shona 16:24  Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.
Roma Shona 16:25  Zvino kune ane simba rekukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, zvichienderana nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kutaurwa zvakavanzwa nguva dzakare,
Roma Shona 16:26  asi ikozvino zvinoratidzwa, uye nemagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ese pakuteerera kwerutendo,
Roma Shona 16:27  kuna Mwari iye wakachenjera ega ngakuve nekurumbidzwa naJesu Kristu, kusvika narinhi. Ameni.