Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
ROMANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 4
Roma Shona 4:1  Ko zvino tichati Abhurahama baba vedu wakawanei panyama?
Roma Shona 4:2  Nokuti kana Abhurahama akanzi wakarurama nemabasa, ane kuzvikudza, asi kwete pamberi paMwari.
Roma Shona 4:3  Nokuti rugwaro rwunoti kudini? Rwunoti: Abhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama.
Roma Shona 4:4  Asi kune anoshanda mubairo hauverengwi sewenyasha, asi sewengava.
Roma Shona 4:5  Asi kune asingashandi, asi anotenda kuna iye anoshaisa mhosva asingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama.
Roma Shona 4:6  Uye sezvo Dhavhidhi achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu, Mwari waanoverengera kururama kunze kwemabasa, achiti:
Roma Shona 4:7  Vakaropafadzwa vane kudarika kwakakanganwirwa, uye vane zvivi zvakafukidzirwa.
Roma Shona 4:8  Wakaropafadzwa munhu Ishe waasingatongoverengeri chivi.
Roma Shona 4:9  Naizvozvo kuropafadzwa uku kuri pamusoro pekudzingiswa here, kana pamusoro pekusadzingiswawo? Nokuti tinoti: Rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahama kuti kururama.
Roma Shona 4:10  Ko kwakaverengwa sei? Paakange ari mukudzingiswa here, kana mukusadzingiswa? Kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa.
Roma Shona 4:11  Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, mucherechedzo wekururama kwerutendo, rwaakange anarwo mukusadzingiswa; kuti ave baba vevese vanotenda mukusadzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo;
Roma Shona 4:12  uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vanobva mukudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahama kwavaiva nako mukusadzingiswa.
Roma Shona 4:13  Nokuti chivimbiso hachina kuva kuna Abhurahama kana kumbeu yake kubudikidza nemurairo, chekuva mugari wenhaka yenyika, asi nekururama kwerutendo.
Roma Shona 4:14  Nokuti kana ivo vanobva pamurairo vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinokoneswa;
Roma Shona 4:15  nokuti murairo unouisa kutsamwa; nokuti pasina murairo, hapana kudarikawo.
Roma Shona 4:16  Naizvozvo ndezverutendo, kuti zvive zvenyasha, kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yese; isati iri yemurairo chete asi neiyo yerutendo rwaAbhurahama, anova baba vedu tese,
Roma Shona 4:17  (sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari, anoraramisa vakafa, neanodana zvisipo sekunge zviripo.
Roma Shona 4:18  Iye achipokana netariro wakatenda kutariro, kuti achava baba vemarudzi mazhinji, sezvakange zvataurwa kuti: Ichaita saizvozvo mbeu yako.
Roma Shona 4:19  Uye haana kushaiwa simba parutendo, haana kurangarira muviri wake womene wakange watofa, ava nemakore anenge zana, uye kufa kwechizvaro chaSara;
Roma Shona 4:20  asi haana kuva nechokwadi nechivimbiso chaMwari nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari,
Roma Shona 4:21  achipwisa zvakazara kuti icho chaakavimbisa, wakange achigonawo kuchiita.
Roma Shona 4:22  Zvino naizvozvo zvakaverengerwa kwaari kuti kururama.
Roma Shona 4:23  Asi zvakange zvisina kunyorwa nekuda kwake ega, kuti zvakaverengerwa kwaari;
Roma Shona 4:24  asi nekuda kweduwo, tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa,
Roma Shona 4:25  wakatengeswa nekuda kwezvitadzo zvedu, akamutswazve nekuda kwekunzi takarurama.