Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
ROMANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 10
Roma Shona 10:1  Hama, chishuwo chemoyo wangu nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndiko kuti vaponeswe.
Roma Shona 10:2  Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete paruzivo;
Roma Shona 10:3  nokuti vasingazivi kururama kwaMwari, uye vachitsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari.
Roma Shona 10:4  Nokuti Kristu mugumo wemurairo mukururama kuna ani nani anotenda.
Roma Shona 10:5  Nokuti Mozisi anonyora kururama kuri kwemurairo, kuti munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.
Roma Shona 10:6  Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani achakwira kudenga? Ndiko kuti kuburusa Kristu;
Roma Shona 10:7  kana kuti: Ndiani achaburukira mukudzika? Ndiko kuti kukwidza Kristu kubva kuvakafa.
Roma Shona 10:8  Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; iri ishoko rerutendo ratinoparidza;
Roma Shona 10:9  kuti kana iwe ukabvuma nemuromo wako Ishe Jesu, uye ukatenda mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa;
Roma Shona 10:10  nokuti nemoyo umwe anotenda mukururama, uye nemuromo anobvuma mukuponeswa.
Roma Shona 10:11  Nokuti rugwaro rwunoti: Ani nani anotenda kwaari haangazonyadziswi.
Roma Shona 10:12  Nokuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nokuti Ishe ndeumwe wevese, wakafuma kune vese vanodana kwaari.
Roma Shona 10:13  Nokuti wese ani nani achadana kuzita raIshe achaponeswa.
Roma Shona 10:14  Zvino vachadana sei wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Uye vachanzwa sei vasina anoparidza?
Roma Shona 10:15  Zvino vachaparidza sei kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, dzevanoparidza evhangeri yezvakanaka?
Roma Shona 10:16  Asi vese havana kuteerera evhangeri. Nokuti Isaya anoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakasuma?
Roma Shona 10:17  Naizvozvo rutendo rwunobva mukunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.
Roma Shona 10:18  Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yese, nemashoko avo kumigumo yenyika.
Roma Shona 10:19  Asi ndinoti: Israeri haana kunzwisisa here? Pakutanga Mozisi anoti: Ini ndichakumutsirai godo nevasiri rudzi, nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai.
Roma Shona 10:20  NaIsaya akashinga anotiwo: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka, ndakaonekwa kune vasina kundibvunza.
Roma Shona 10:21  Asi kuna Israeri anoti: Zuva rese ndakatandavadza maoko angu kuvanhu vasingateereri nevanokakavara.