TITUS
Chapter 2
Titu | Shona | 2:2 | Varume vakuru kuti vazvibate, vanokudzwa, vakangwara, vakagwinya parutendo, parudo, pakutsungirira; | |
Titu | Shona | 2:3 | saizvozvo vakadzi vakuru kuti pamafambiro vave sezvakafanira vatsvene, kwete vacheri, kwete varanda vewaini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka, | |
Titu | Shona | 2:5 | vakazvibata, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo pachavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa. | |
Titu | Shona | 2:7 | pazvinhu zvese iwe uzviratidze uri mufananidzo wamabasa akanaka, padzidziso yechokwadi, mugariro unokudzwa nekuvimbika, | |
Titu | Shona | 2:8 | shoko rakagwinya, risingashoreki, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu. | |
Titu | Shona | 2:9 | Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo pachavo, kuti vafadze pazvese, vasingakakavari, | |
Titu | Shona | 2:10 | vasinganyimi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwese, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvese. | |
Titu | Shona | 2:12 | dzichidzidzisa isu kuti, tirambe kusanamata Mwari uye kuchiva kwenyika, tirarame nekuchenjera uye kururama nekunamata Mwari panyika yaikozvino, | |
Titu | Shona | 2:13 | tichimirira tariro yakaropafadzwa nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu, | |
Titu | Shona | 2:14 | wakazvipira isu, kuti adzikunure isu pakuipa kwese, uye azvichenurire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka. | |