Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
GALATIANS
1 2 3 4 5 6
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 6
Gala Shona 6:1  Hama, kanawo munhu akawirwa nekumwe kudarika, imwi veMweya mugadzirisei wakadai nemweya weunyoro, uchizvichenjerera iwe, zvimwe newe ungaidzwa.
Gala Shona 6:2  Takuriranai mitoro yenyu, saizvozvowo zadzisai murairo waKristu.
Gala Shona 6:3  Nokuti kana munhu achizviti ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera.
Gala Shona 6:4  Asi umwe neumwe ngaanzvere basa rake amene, zvino ipapo achazvirumbidza pamusoro pake amene ega, uye kwete pamusoro peumwe.
Gala Shona 6:5  Nokuti umwe neumwe achatakura mutoro wake pachake.
Gala Shona 6:6  Uye anodzidziswa shoko ngaagovane neanodzidzisa pazvinhu zvese zvakanaka.
Gala Shona 6:7  Musanyengerwa, Mwari haasekwi; nokuti chimwe nechimwe munhu chaanodzvara ndichowo chaanokohwa.
Gala Shona 6:8  Nokuti anodzvara kunyama yake, achakohwa kuora kunobva panyama; asi anodzvara kuMweya achakohwa upenyu husingaperi hunobva kuMweya.
Gala Shona 6:9  Asi ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti nenguva yakafanira tinozokohwa, kana tisingaori moyo.
Gala Shona 6:10  Naizvozvo zvino zvatine mukana, ngatiite zvakanaka kune vese, zvikuruwo kune veimba yerutendo.
Gala Shona 6:11  Onai kuti akakura sei mavara andinokunyorerai nawo nerwangu ruoko.
Gala Shona 6:12  Vese vanoda kuonekera panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; chete kuti varege kushushwa nekuda kwemuchinjikwa waKristu.
Gala Shona 6:13  Nokuti kunyange ivo pachavo vakadzingiswa havachengeti murairo, asi vanoda kuti mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
Gala Shona 6:14  Asi kwandiri ngakurege kuva nekuzvirumbidza, kunze kwepamuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, naye nyika yakarovererwa pamuchinjikwa kwandiri, neni kunyika.
Gala Shona 6:15  Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna maturo, asi chisikwa chitsva.
Gala Shona 6:16  Uye vese vanofamba nemurairo uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, netsitsi, nepamusoro paIsraeri waMwari.
Gala Shona 6:17  Kubva ikozvino, ngakurege kuva nemunhu anonditambudza; nokuti ini ndakatakura pamuviri wangu rupawo rwaIshe Jesu.
Gala Shona 6:18  Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama. Ameni.