I THESSALONIANS
Chapter 4
I Th | Shona | 4:1 | Zvino zvimwe, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, sezvamakagamuchira kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, kuti muwanze nekuwanzisisa pazviri. | |
I Th | Shona | 4:6 | kusava neanopfuurikidza akanyengera hama yake pachiitiko; nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvese izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekupupura. | |
I Th | Shona | 4:9 | Zvino maererano nerudo rweukama hamutsvaki kuti ndikunyorerei, nokuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane; | |
I Th | Shona | 4:10 | nokuti nemwi munozviita kuhama dzese dziri paMakedhonia yese; asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanzise zvikuru, | |
I Th | Shona | 4:11 | uye mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, nekushanda nemaoko enyu pachenyu, sezvatakakurairai; | |
I Th | Shona | 4:13 | Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwewo vasina tariro. | |
I Th | Shona | 4:14 | Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa uye wakamuka, saizvozvowo vakarara kubudikidza naJesu, Mwari achavauisa pamwe naye. | |
I Th | Shona | 4:15 | Nokuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosiiwa kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara. | |
I Th | Shona | 4:16 | Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; | |
I Th | Shona | 4:17 | kozouya isu vanorarama vanosiiwa, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; saizvozvowo tichava naIshe nekusingaperi. | |