I TIMOTHY
Chapter 4
I Ti | Shona | 4:1 | Zvino Mweya anoreva zvakajeka, kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni, | |
I Ti | Shona | 4:3 | vachidzivisa kuwanana nekuraira kurega kudya Mwari kwaakasika kuti kugamuchirwe nekuvonga nevanotenda uye vanoziva chokwadi. | |
I Ti | Shona | 4:4 | Nokuti chese chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kuraswa kana chichigamuchirwa nekuvonga; | |
I Ti | Shona | 4:6 | Kana uchiraira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa nemashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunonyatsotevera. | |
I Ti | Shona | 4:8 | nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya. | |
I Ti | Shona | 4:10 | Nokuti naizvozvo nesu tinoshanda nesimba, nekushorwa, nokuti tinovimba naMwari mupenyu, anova Muponesi wevanhu vese, zvikuru weavo vanotenda. | |
I Ti | Shona | 4:12 | Kusava nemunhu anozvidza udiki hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda pashoko, pamufambiro, parudo, pamweya, parutendo, nepautsvene. | |
I Ti | Shona | 4:14 | Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa kubudikidza nechiporofita pamwe nekuiswa maoko eutariri. | |
I Ti | Shona | 4:15 | Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uve pazvinhu izvi, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vese. | |