I JOHN
Chapter 4
I Jo | Shona | 4:1 | Vadikanwi, musatenda mweya umwe neumwe, asi muidze mweya, kana yakabva kuna Mwari; nokuti vazhinji vaporofita venhema vakabudira munyika. | |
I Jo | Shona | 4:2 | Neizvi munoziva Mweya waMwari: Wese mweya unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya panyama, unobva muna Mwari. | |
I Jo | Shona | 4:3 | Zvino mweya wese usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi muna Mwari; uye uyu ndiye wemupikisi waKristu, wamakanzwa kuti anouya, naikozvino watova panyika. | |
I Jo | Shona | 4:4 | Imwi munobva muna Mwari, vana vadiki, uye makavakunda; nokuti ari mamuri mukuru kune ari munyika. | |
I Jo | Shona | 4:6 | Isu tinobva muna Mwari; uyo anoziva Mwari, anotinzwa; asingabvi muna Mwari, haatinzwi. Kubva pane izvi tinoziva mweya wechokwadi nemweya wekutsauka. | |
I Jo | Shona | 4:7 | Vadikanwi, ngatidanane; nokuti rudo rwunobva muna Mwari, uye umwe neumwe anoda wakaberekwa kubva muna Mwari, uye anoziva Mwari. | |
I Jo | Shona | 4:9 | Pane izvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa matiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe wega munyika, kuti tirarame kubudikidza naye. | |
I Jo | Shona | 4:10 | Rudo rwuri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave muripo wekuyananisa maererano nezvivi zvedu. | |
I Jo | Shona | 4:12 | Hakuna wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake rwunoperedzerwa matiri. | |
I Jo | Shona | 4:13 | Pane izvi tinoziva kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvinobva paMweya wake. | |
I Jo | Shona | 4:15 | Ani nani anobvuma kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari. | |
I Jo | Shona | 4:16 | Nesu takaziva uye takatenda rudo Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo, uye anogara murudo anogara muna Mwari, naMwari maari. | |
I Jo | Shona | 4:17 | Pane izvi rudo rwakapedzeredzwa nesu, kuti tive neushingi nezuva rekutonga, nokuti sezvaari iye, nesu takadaro kunyika ino. | |
I Jo | Shona | 4:18 | Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera rwunodzingira kunze kutya, nokuti kutya kune marwadzo; anotya haana kuperedzerwa parudo. | |
I Jo | Shona | 4:20 | Kana umwe achitaura kuti: Ndinoda Mwari, asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti uyo asingadi hama yake yaakaona, anogona sei kuda Mwari waasina kuona? | |