Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
I PETER
1 2 3 4 5
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 4
I Pe Shona 4:1  Naizvozvo Kristu zvaakatitamburira panyama, nemwi muzvishongedze nemurangariro wakadaro; nokuti iye watambudzika panyama, aregedzwa pachivi;
I Pe Shona 4:2  kuti nguva yasara panyama musachiraramira kuchiva kwevanhu, asi chido chaMwari.
I Pe Shona 4:3  Nokuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba mukusazvibata, kuchiva, kuraradza, makaro, nemitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisingatenderwi;
I Pe Shona 4:4  zvavanoshamisika mazviri, kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kumwe kwenyonga-nyonga, vachikutukai;
I Pe Shona 4:5  vachazvidavirira kuna iye wakagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.
I Pe Shona 4:6  Nokuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwa kune vakafawo, kuti vatongwe zvinoenderana nevanhu panyama, asi vararame zvinoenderana naMwari pamweya.
I Pe Shona 4:7  Zvino kuguma kwezvinhu zvese kwaswedera; naizvozvo svinurai murinde muminyengetero.
I Pe Shona 4:8  Uye mberi kwezvinhu zvese ivai nerudo rwunopfuta pakati penyu, nokuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji-zhinji.
I Pe Shona 4:10  Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha dzakasiyana-siyana dzaMwari.
I Pe Shona 4:11  Kana umwe achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana umwe achishumira ngazviitwe sezvinobva kusimba Mwari raanopa; kuti Mwari akudzwe pazvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
I Pe Shona 4:12  Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa uri pamuri unokuidzai, sezvinonzi mawirwa nechisingazikanwi;
I Pe Shona 4:13  asi sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, farai, kuti nepakuratidzwa kwekubwinya kwake mufare nemufaro mukurusa.
I Pe Shona 4:14  Kana muchitukwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nokuti Mweya wekubwinya newaMwari agere pamusoro penyu; kwavari zvirokwazvo anonyombwa, asi kwamuri anokudzwa.
I Pe Shona 4:15  Asi kusava neumwe wenyu anotambudzika semhondi, kana mbavha, kana muiti wezvakaipa, kana anongongwarira zvevamwe;
I Pe Shona 4:16  asi kana achitambudzika semuKristu, asanyara; asi ngaakudze Mwari pachinhu ichi.
I Pe Shona 4:17  Nokuti yava nguva yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei?
I Pe Shona 4:18  Uye kana wakarurama achiponeswa nemutsutsururu, asingadi Mwari nemutadzi vachaonekwepi?
I Pe Shona 4:19  Naizvozvo naivo vanotambudzika zvinoenderana nechido chaMwari, sekuMusiki wakatendeka ngavakumikidze mweya yavo pakuita zvakanaka.