I PETER
Chapter 2
I Pe | Shona | 2:2 | savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka usina kunyengera wakarongeka, kuti mukure nawo; | |
I Pe | Shona | 2:4 | Wamunouya kwaari, ibwe benyu, rakarambwa zvirokwazvo nevanhu, asi pana Mwari rakasarudzwa, rinokosha, | |
I Pe | Shona | 2:5 | imwiwo semabwe mapenyu makavakwa muve imba yemweya, upristi utsvene, kuti mubaire zvibairo zvemweya, zvinogamuchirika kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu. | |
I Pe | Shona | 2:6 | Naizvozvo murugwaro zvirimowo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe repakona, rakasanangurwa, rinokosha; neanotenda kwaari haangatongonyadziswi. | |
I Pe | Shona | 2:7 | Naizvozvo kwamuri munotenda anokosha; asi kune vasingateereri: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona, | |
I Pe | Shona | 2:8 | uye ibwe rekugumbusa nedombo rekupinga; vanogumburwa pashoko vasingariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo. | |
I Pe | Shona | 2:9 | Asi imwi muri dzinza rakasarudzwa, upristi hweumambo, rudzi rutsvene, vanhu vakawanikwa, kuti muparidze kwese kunaka kwaiye wakadana imwi kubva parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa; | |
I Pe | Shona | 2:10 | imwi maimbova musi vanhu, asi ikozvino muri vanhu vaMwari; makange musina kunzwirwa tsitsi, asi ikozvino manzwirwa tsitsi. | |
I Pe | Shona | 2:11 | Vadiwa, ndinokukumbirisai sevatorwa nevapfuuri, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nemweya; | |
I Pe | Shona | 2:12 | mune mufambiro wenyu wakanaka pakati pevahedheni; kuti pavanokumhurai sevaiti vezvakaipa, pamabasa akanaka avanoona varumbidze Mwari nezuva rekushanyirwa. | |
I Pe | Shona | 2:13 | Naizvozvo muzviise pasi pechimiso chimwe nechimwe chevanhu nekuda kwaIshe; kana ari mambo, saiye anotonga; | |
I Pe | Shona | 2:14 | kana kuvatungamiriri, sekune vakatumwa naye pakurangwa zvirokwazvo kwevaiti vezvakaipa, asi ive rumbidzo yevanoita zvakanaka. | |
I Pe | Shona | 2:15 | Nokuti ndizvo zvinoita chido chaMwari, kuti nekuita zvakanaka munyaradze kusaziva kwevanhu mapenzi; | |
I Pe | Shona | 2:16 | sevakasununguka, asi musava nekusungunuka sechifukidzo chezvakaipa, asi sevaranda vaMwari. | |
I Pe | Shona | 2:18 | Varanda, zviisei pasi pemadzitenzi nekutya kwese, kwete kune vakanaka nevanyoro chete, asiwo kune vasakarurama. | |
I Pe | Shona | 2:19 | Nokuti idzi inyasha, kana nekuda kwehana kuna Mwari munhu achitsungirira kurwadziwa, achitambudzika zvisakafanira. | |
I Pe | Shona | 2:20 | Nokuti zvine rumbidzo yei, kana muchitadza ndokurohwa muchitsungirira? Asi kana muchiita zvakanaka uye muchitambudzika muchitsungirira, izvi inyasha kuna Mwari. | |
I Pe | Shona | 2:21 | Nokuti makadanirwa izvi, nokuti Kristuwo wakatambudzikira isu, akasiira isu muenzaniso, kuti mutevere makwara ake; | |
I Pe | Shona | 2:23 | iye wakati achituka haana kutukawo; achitambudzika haana kutyityidzira; asi wakazvikumikidza kune anotonga zvakarurama; | |
I Pe | Shona | 2:24 | iye amene wakatakura zvivi zvedu pamuviri wake pamuti, kuti tafa kuzvivi tiraramire kururama; iye wamakaporeswa nemavanga ake. | |