Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
II CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 13
II C Shona 13:1  Nenguva iyi yechitatu ndinouya kwamuri; mumuromo wezvapupu zviviri uye zvitatu shoko rega-rega ritsigirwe.
II C Shona 13:2  Ndakambokuudzai uye ndinogara ndakuudzai, sendakange ndiripo rwechipiri, uye ikozvino ndisipo ndinonyorera avo vakagara vatadza, nekuvamwe vese, kuti kana ndikauyazve, handichavaregereri.
II C Shona 13:3  Sezvo muchitsvaka uchapupu hwaKristu anotaura mandiri, asina utera kwamuri, asi ane simba mamuri.
II C Shona 13:4  Nokuti kunyange akarovererwa pamuchinjikwa neutera, zvakadaro anorarama nesimba raMwari. Nokuti isuwo tine utera maari asi tichararama pamwe naye nesimba raMwari kwamuri.
II C Shona 13:5  Zviongororei kana muri parutendo; zviidzei. Kana hamuzivi here imwi, kuti Jesu Kristu ari mamuri sei? Kunze kwekuti zvirokwazvo muri vakaraswa.
II C Shona 13:6  Asi ndinovimba kuti muchaziva kuti isu hatisi vakaraswa.
II C Shona 13:7  Zvino ndinonyengetera kuna Mwari, kuti musaita chinhu chakaipa; kwete kuti isu tiratidzike takatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu tive sevakaraswa.
II C Shona 13:8  Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chechokwadi.
II C Shona 13:9  Nokuti tinofara kana isu tine utera, imwiwo makasimba; uye izviwo tinozvinyengeterera, kuperera kwenyu.
II C Shona 13:10  Saka ndinonyora zvinhu izvi ndisipo, zvimwe kana ndiripo ndingashandisa hasha, zvichienderana nesimba Ishe raakandipa pakuvaka, uye kwete pakuputsa.
II C Shona 13:11  Pakupedzisira, hama, farai, muperedzerwe, munyaradzwe, muve vemoyo umwe, garai murugare; uye Mwari werudo nerugare achava nemwi.
II C Shona 13:14  Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, nerudo rwaMwari, nekudyidzana kweMweya Mutsvene, ngazvive nemwi mese. Ameni.