Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
II CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 1
II C Shona 1:1  Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe nevatsvene vese vari muAkaya yese:
II C Shona 1:2  Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
II C Shona 1:3  Ngaavongwe Mwari, uye vari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi uye Mwari wenyaradzo yese,
II C Shona 1:4  anotinyaradza padambudziko redu rese, kuti tigone kunyaradza avo vari mudambudziko ripi neripi, nenyaradzo yatinonyaradzwa nayo isu tomene naMwari.
II C Shona 1:5  Nokuti matambudziko aKristu sezvaakawedzerwa matiri, saizvozvowo nyaradzo yedu yakawedzerwa nemuna Kristu.
II C Shona 1:6  Zvino kana tichirwadziwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu zvinobatiswa mukutsungirira mumatambudziko mamwewo atakatambudzikawo isu; kana tichinyaradzwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu;
II C Shona 1:7  uye tariro yedu maererano nemwi yakasimba, tichiziva kuti sezvamuri vagovani vematambudziko, saizvozvowo venyaradzo.
II C Shona 1:8  Nokuti hatidi kuti musaziva, hama, pamusoro pedambudziko redu rakatiwira paAsia, kuti takaremerwa zvikurusa kukunda simba redu, zvekuti takarasa tariro kunyange yeupenyu.
II C Shona 1:9  Asi isu pachedu takange tine mutongo werufu matiri, kuti tirege kuzvivimba isu asi kuna Mwari anomutsa vakafa;
II C Shona 1:10  wakatinunura parufu rukuru rwakadai, uye anonunura; watinovimba maari kuti achatinunurazve;
II C Shona 1:11  nemwi muchishandira isu pamwe nemukumbiro, kuti nekuda kwechipo pamusoro pedu kubudikidza nevanhu vazhinji tivongerwe nevazhinji.
II C Shona 1:12  Nokuti kuzvikudza kwedu ndikoku, kupupura kwehana yedu, kuti muumwe neuzvokwadi hwaMwari, kwete neuchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari, takazvibata panyika, zvikuru maererano nemwi.
II C Shona 1:13  Nokuti hatinyori zvimwe zvinhu kwamuri, asi izvo zvamunoverenga nezvamunogamuchira; uye ndinovimba kuti muchazvigamuchirawo kusvika pakuguma;
II C Shona 1:14  sezvamakatigamuchirawo muchidimbu, kuti tiri rumbidzo yenyu, semwiwo yedu nezuva raIshe Jesu.
II C Shona 1:15  Zvino nechivimbo ichi ndaishuva pakutanga kuuya kwamuri, kuti muve nenyasha dzechipiri;
II C Shona 1:16  nekupfuura nekwamuri ndichienda kuMakedhonia, nekudzoka kwamuri ndichibva Makedhonia, uye ndiperekedzwe nemwi kuJudhiya.
II C Shona 1:17  Naizvozvo ndichifunga saizvozvi, ndakashandisa kusasimbisa moyo here, kana zvandinozvipira, ndinozvipira zvinoenderana nenyama kuti kwandiri zvive hongu, hongu; uye kwete, kwete here?
II C Shona 1:18  Asi Mwari wakatendeka, kuti shoko redu kwamuri harina kuva hongu nakwete.
II C Shona 1:19  Nokuti Mwanakomana waMwari Jesu Kristu uyo wakaparidzwa nesu pakati penyu, neni naSirivhano naTimotio, wakange asiri hongu nakwete, asi maari maiva hongu.
II C Shona 1:20  Nokuti zvese zvivimbiso zvaMwari, maari ndihongu, nemaari ndiAmeni, rwuve rukudzo rwaMwari kubudikidza nesu.
II C Shona 1:21  Zvino anosimbisa isu pamwe nemwi muna Kristu, neakatizodza ndiMwari,
II C Shona 1:22  wakatiisawo mucherechedzo isu, akapa rubatso rweMweya mumoyo yedu.
II C Shona 1:23  Asi ini ndinodana Mwari kuti ave chapupu pamweya wangu, kuti ndikuregererei handisati ndauya kuKorinde.
II C Shona 1:24  Kwete kuti tinotonga parutendo rwenyu, asi tiri vabati pamwe chete vemufaro wenyu; nokuti mumire nerutendo.