II CORINTHIANS
Chapter 6
II C | Shona | 6:1 | Zvino tinobata pamwe naye, nesu tinokumbira zvikuru kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina; | |
II C | Shona | 6:2 | nokuti anoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarira, ikozvino inguva yakafanira; tarira, ikozvino izuva reruponeso. | |
II C | Shona | 6:4 | asi pazvese tinozviratidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira kuzhinji, pamatambudziko, pakuomerwa, pakudzvinyirirwa, | |
II C | Shona | 6:6 | pakuchena, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri, | |
II C | Shona | 6:8 | nekukudzwa uye kuzvidzwa, nekureverwa zvakaipa uye kureverwa zvakanaka; sevanyepedzeri, tiri vechokwadiwo; | |
II C | Shona | 6:9 | sevasingazikanwi, tichizikanwawo zvikuru; sevanofa, tarirawo, tinorarama; sevanorohwa, tisingaurawiwo; | |
II C | Shona | 6:10 | sevakasuruvadzwa, asi tichifara nguva dzese; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; sevasina chinhu, asi tine zvese. | |
II C | Shona | 6:14 | Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nokuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingadyidzana sei nerima? | |
II C | Shona | 6:15 | Uye Kristu ane kunzwana kwei naBeriari? Kana anotenda angava nemugove wei neasingatendi? | |
II C | Shona | 6:16 | Netembere yaMwari ine kutenderana kupi nezvifananidzo? Nokuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva kuti: Ndichagara mavari, uye ndichafamba pakati pavo; ndichavawo Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. | |
II C | Shona | 6:17 | Naizvozvo budai pakati pavo mutsaurwe, anoreva Ishe, uye musabata chakasviba; iniwo ndichakugamuchirai. | |