II CORINTHIANS
Chapter 4
II C | Shona | 4:2 | asi takarasa zvinhu zvakavanzika zvechinyadzo, tisingafambi neunyengeri, kana kuminamisa shoko raMwari; asi nekuratidza chokwadi, tichizvipupurira kuhana yese yevanhu pamberi paMwari. | |
II C | Shona | 4:4 | kwavari mwari wenyika ino wakapofumadza fungwa dzevasingatendi, kuti chiedza cheevhangeri yekubwinya yaKristu ari mufananidzo waMwari chisavhenekera kwavari. | |
II C | Shona | 4:5 | Nokuti hatizviparidzi, asi Kristu Jesu Ishe; uye isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu. | |
II C | Shona | 4:6 | Nokuti Mwari wakati chiedza chivhenekere kubva parima ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza cheruzivo rwekubwinya kwaMwari pachiso chaJesu Kristu. | |
II C | Shona | 4:7 | Asi tine fuma iyi mumidziyo yevhu, kuti ukuru-ukuru hwesimba huve hwaMwari, uye husabva kwatiri; | |
II C | Shona | 4:8 | tinodzvanyidzirwa pamativi ese, asi hatimanikidzwi; tinovhiringidzika, asi hatipererwi; | |
II C | Shona | 4:10 | tichipota takatakura nguva dzese kufa kwaIshe Jesu mumuviri, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu. | |
II C | Shona | 4:11 | Nokuti isu tinorarama tinogara tichipiwa kurufu nekuda kwaJesu, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. | |
II C | Shona | 4:13 | Zvino tine mweya iwoyu werutendo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakatenda, naizvozvo ndakataura; isuwo tinotenda, naizvozvowo tinotaura; | |
II C | Shona | 4:14 | tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu naJesu, agotikumikidza pamwe nemwi. | |
II C | Shona | 4:15 | Nokuti zvinhu zvese zvinoitwa nekuda kwenyu, kuti nyasha dzakapamhidzirwa nekuda kwekuvonga kwevazhinji, dziwedzerwe dzive rukudzo rwaMwari. | |
II C | Shona | 4:16 | Naizvozvo hatineti, asi kana munhu wedu wekunze achiparadzwa, zvakadaro wemukati anovandudzwa zuva nezuva. | |
II C | Shona | 4:17 | Nokuti dambudziko redu rakareruka riripo kwechinguva chidiki, rinotiitira uremu hwekubwinya kukurusa kusingaperi; | |