Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
II CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 11
II C Shona 11:1  Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma paupenzi hwangu; asiwo munondiitira moyo murefu.
II C Shona 11:2  Nokuti ndine godo nemwi negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai kumurume umwe, kuti ndikukumikidzeimuri mhandara yakachena kuna Kristu.
II C Shona 11:3  Asi ndinotya kuti zvimwe nyoka sezvayakanyengera Evha nemano ayo, saizvozvo ndangariro dzenyu dzingatsauswa pauchokwadi huri muna Kristu.
II C Shona 11:4  Nokuti kana anosvika achiparidza umwe Jesu watisina kuparidza, kana zvimwe muchigamuchira umwe mweya wamusina kugamuchira, kana imwe evhangeri yamusina kugamuchira, zvakanaka kuti muzviitire moyo murefu.
II C Shona 11:5  Nokuti ndinoona ndisingasariri nepadiki kuvaapositori vakurusa.
II C Shona 11:6  Kanawo kunyange ndisina kudzidza pashoko, asi kwete paruzivo; asi pachinhu chese takaratidzwa kwamuri muzvinhu zvese.
II C Shona 11:7  Kana ndakaita chivi here pakuzvininipisa kuti imwi mukudzwe, nokuti ndakaparidza kwamuri evhangeri yaMwari pasina muripo?
II C Shona 11:8  Ndakapamba amwe makereke, ndichitora muripo kuti ndikushandirei.
II C Shona 11:9  Uye pandakange ndiripo kwamuri ndichishaiwa handina kuremedza munhu; nokuti zvandaishaiwa, hama dzaibva Makedhonia dzakapa; uye pazvese ndakazvichengeta kuti ndirege kuva mutoro kwamuri, uye ndichazvichengeta.
II C Shona 11:10  Chokwadi chaKristu chiri mandiri, kuti kuzvikudza uku hakungamiswi mandiri kumatunhu eAkaya.
II C Shona 11:11  Nemhaka yei? Nokuti handikudii here? Mwari anoziva.
II C Shona 11:12  Asi chandinoita, ndichaitawo, kuti ndigure mukana kune vanoshuva mukana; kuti pane zvavanozvikudza nazvo vawanikwe vakaita sesuwo.
II C Shona 11:13  Nokuti vakadaro vaapositori venhema, vabati vanonyengera, vanozvishandura kuva vaapositori vaKristu.
II C Shona 11:14  Hazvishamisiwo; nokuti Satani amene anozvishandura kuva mutumwa wechiedza.
II C Shona 11:15  Naizvozvo hachisi chinhu chikuru kana nevashumiri vake vachizvishandura kuita sevashumiri vekururama; kuguma kwavo kuchava semabasa avo.
II C Shona 11:16  Ndinotizve: Ngakurege kuva nemunhu anofunga kuti ndiri benzi; asi kana zvisakadaro, sebenziwo ndigamuchirei, kuti neni ndizvikudze zvishoma.
II C Shona 11:17  Zvandinotaura, handitauri sekuna Ishe, asi sepaupenzi, pachivimbo ichi chekuzvikudza.
II C Shona 11:18  Sezvo vazhinji vachizvikudza panyama, iniwo ndichazvikudza.
II C Shona 11:19  Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nemufaro muri vakachenjera.
II C Shona 11:20  Nokuti munoita moyo murefu, kana munhu achikuisai muuranda, kana munhu achikudyai kupedza, kana munhu achikutapai, kana munhu achizvikudza, kana munhu achikurovai kumeso.
II C Shona 11:21  Ndinoreva sechinyadzo, senge kuti isu takange tine utera. Asi pane chipi nechipi umwe paane ushingi (ndinotaura paupenzi), ini ndine ushingiwo.
II C Shona 11:22  VaHebheru here? Neniwo. VaIsraeri here? Neniwo. Imbeu yaAbhurahama here? Neniwo.
II C Shona 11:23  Vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura semupengo), ndinovapfuura, zvikurusa pamabasa anorema, pamavanga kupfuura chipimo, mumajere zvikurusa, pandufu kazhinji.
II C Shona 11:24  KuVaJudha ndakagamuchira kashanu shamhu dzine makumi mana kusiya imwe.
II C Shona 11:25  Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa nemabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe nemasikati ndakange ndiri muudziku hwegungwa;
II C Shona 11:26  panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi nevekwangu, panjodzi nevahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
II C Shona 11:27  pakutambudzika nepakuremerwa, pakusarara kazhinji, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando nepakushama.
II C Shona 11:28  Kunze kwezvinhu izvi zviri panze, kurangarira makereke ese kunondimanikidza zuva rimwe nerimwe.
II C Shona 11:29  Ndiani anoshaiwa simba, neni ndikasashaiwa simba? Ndiani anogumburwa, neni ndikasatsva?
II C Shona 11:30  Kana zvakafanira kuzvikudza, ndichazvikudza nezvinhu zveutera hwangu.
II C Shona 11:31  Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, anorumbidzwa kusvikira rinhi narinhi, anoziva kuti handirevi nhema.
II C Shona 11:32  PaDhamasiko mutungamiriri wamambo Areta wakarinda guta reveDhamasiko achida kundibata;
II C Shona 11:33  uye ndakaburuswa nepawindo ndiri mudengu nepamudhuri, ndikapukunyuka pamaoko ake.