Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
II CORINTHIANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 5
II C Shona 5:1  Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika yetende ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuitwa nemaoko, isingaperi kumatenga.
II C Shona 5:2  Nokuti nemune iyi tinogomera, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;
II C Shona 5:3  kana nesu takapfekedzwa hatingawanikwi tisina chatakapfeka.
II C Shona 5:4  Nokuti nesu tiri mutende tinogomera, tichiremerwa; nokuti hatishuvi kukururwa, asi kufukidzwa, kuti chinofa chimedzwe neupenyu.
II C Shona 5:5  Zvino wakatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari, wakatipawo rubatso rweMweya.
II C Shona 5:6  Naizvozvo tine ushingi nguva dzose, tichiziva kuti tichiri kumusha mumuviri, tiri kure naIshe;
II C Shona 5:8  naizvozvo tine ushingi, uye tinofara zvikuru kuti zviri nani kusava pamuviri, uye kuva kumusha naIshe.
II C Shona 5:9  Naizvozvowo tinoedza zvikuru, kana tiri pamusha kana tisiri pamusha, kuti tigamuchirike kwaari.
II C Shona 5:10  Nokuti tese tinofanira kuonekwa pamberi pechigaro chekutonga chaKristu, kuti umwe neumwe agamuchire zvinhu zvaakaita nemuviri, zvichienderana nezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.
II C Shona 5:11  Naizvozvo tichiziva kutyisa kwaIshe tinonyengetedza vanhu, asi tinoratidzwa kuna Mwari; uye ndine chivimbo kuti tiratidzwewo pahana dzenyu.
II C Shona 5:12  Nokuti hatizvizivisizve kwamuri, asi tinokupai mukana wekuzvirumbidza nekuda kwedu, kuti mugone kumirisana nevanozvirumbidza pachiso, kwetewo pamoyo.
II C Shona 5:13  Nokuti kana tichipenga, tinopenga kuna Mwari; kana tiri vanhu kwavo, tiri kwavo kwamuri.
II C Shona 5:14  Nokuti rudo rwaKristu rwunotimanikidza, nokuti tinoona izvozvi kuti kana umwe akafira vese, zvino vese vakafa;
II C Shona 5:15  uye wakafira vese kuti avo vanorarama vachirega kuzozviraramira ivo, asi iye wakavafira nekumukazve.
II C Shona 5:16  Naizvozvo kubvira ikozvino isu hatizivi munhu panyama; uye kunyange kana takaziva Kristu panyama, asi ikozvino hatichamuzivi saizvozvo.
II C Shona 5:17  Kuti kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva; zvekare zvapfuura, tarira zvese zvava zvitsva.
II C Shona 5:18  Uye zvese zvinobva kuna Mwari, wakatiyananisa naye kubudikidza naJesu Kristu, uye wakatipa shumiro yeyananiso;
II C Shona 5:19  sezvinonzi Mwari wakange achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingavaverengeri kudarika kwavo, akaisa kwatiri shoko reyananiso.
II C Shona 5:20  Naizvozvo tiri nhume pachinzvimbo chaKristu, Mwari saanenge achikumbirisa nesu; tinokumbirisa pachinzvimbo chaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.
II C Shona 5:21  Nokuti uyo wakange asingazivi chivi wakamuita chivi pachinzvimbo chedu, kuti isu tive kururama kwaMwari maari.