Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
II TIMOTHY
1 2 3 4
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 3
II T Shona 3:1  Asi uzive ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika.
II T Shona 3:2  Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene,
II T Shona 3:3  vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka,
II T Shona 3:4  vatengesi, vanomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari,
II T Shona 3:5  vane mufananidzo wekunamata Mwari, asi vachiramba simba rawo; ubve pane vakadaiwo.
II T Shona 3:6  Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana,
II T Shona 3:7  vanongogara vachidzidza, asi havatongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi.
II T Shona 3:8  Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo.
II T Shona 3:9  Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vese, sezvakazoita hwavowo.
II T Shona 3:10  Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira,
II T Shona 3:11  kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ese.
II T Shona 3:12  Nevesewo vanoda kurarama mukunamata Mwari muna Kristu Jesu vachashushwa;
II T Shona 3:13  asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa.
II T Shona 3:14  Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani,
II T Shona 3:15  uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu.
II T Shona 3:16  Rugwaro rwese rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nepakuraira kuri mukururama;
II T Shona 3:17  kuti munhu waMwari ave wakakwana zvizere, agadzirirwa basa rese rakanaka.