Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
II TIMOTHY
1 2 3 4
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 2
II T Shona 2:1  Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
II T Shona 2:2  Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe.
II T Shona 2:3  Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waJesu Kristu.
II T Shona 2:4  Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa.
II T Shona 2:5  Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo.
II T Shona 2:6  Murimi anobata zvakasimba anofanira kutanga kugamuchira zvibereko.
II T Shona 2:7  Fungisisa zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvese.
II T Shona 2:8  Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu;
II T Shona 2:9  yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvikira pazvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa.
II T Shona 2:10  Saka ndinotsungirira zvinhu zvese nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi.
II T Shona 2:11  Shoko iri rakatendeka; nokuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye.
II T Shona 2:12  Kana tikatsungirira, tichatongawo pamwe naye; kana tikamuramba, naiye achatiramba.
II T Shona 2:13  Kana tisingatendeki, iye anoramba akatendeka; iye haagoni kuzviramba.
II T Shona 2:14  Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa.
II T Shona 2:15  Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
II T Shona 2:16  Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari,
II T Shona 2:17  neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayosi naFiretosi;
II T Shona 2:18  ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe.
II T Shona 2:19  Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama.
II T Shona 2:20  Asi muimba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivheri chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa.
II T Shona 2:21  Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo wekukudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa basa rese rakanaka.
II T Shona 2:22  Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena.
II T Shona 2:23  Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kurwa.
II T Shona 2:24  Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vese, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu,
II T Shona 2:25  anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi,
II T Shona 2:26  uye vapengenuke kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakange vakabatwa naye pakuda kwake.