PHILIPPIANS
Chapter 3
Phil | Shona | 3:1 | Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Kukunyorerai zvinhu zvimwechetezvo, kwandiri zvirokwazvo hazvinetesi, asi kwamuri zvinokusimbisai. | |
Phil | Shona | 3:3 | nokuti isu tiri kudzingiswa, vanonamata Mwari muMweya, tichizvirumbidza muna Kristu Jesu, uye tisingavimbi nenyama; | |
Phil | Shona | 3:4 | kunyange ini ndingavawo nechivimbo munyama; kana umwewo achifunga kuvimba nenyama, zvikuru ini; | |
Phil | Shona | 3:5 | ndakadzingiswa nezuva rerusere, ndiri werudzi rwaIsraeri, wedzinza raBhenjamini, muHebheru weVaHebheru; zviri zvemurairo ndiri muFarisi; | |
Phil | Shona | 3:6 | maererano nekushingaira ndichishusha kereke; maererano nekururama kuri mumurairo ndisina chandingapomerwa. | |
Phil | Shona | 3:7 | Asi zvinhu zvaiva mubairo kwandiri, ndizvo zvandakaverenga kuva kurasikirwa nekuda kwaKristu. | |
Phil | Shona | 3:8 | Hongu zvirokwazvo, uye ndinoverenga zvinhu zvese kuva kurasikirwa nekuda kwekunakisisa kweruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvese nekuda kwake, ndikazviidza kuva marara, kuti ndiwane Kristu; | |
Phil | Shona | 3:9 | uye ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva kumurairo, asi kunobudikidzwa nerutendo rwaKristu, kururama kunobva kuna Mwari nerutendo; | |
Phil | Shona | 3:10 | kuti ndimuzive iye, nesimba rekumuka kwake, nekudyidzana kwematambudziko ake, nditodze kufa kwake, | |
Phil | Shona | 3:12 | Handirevi kuti ndakatochiwana, kana ndakatokwaniswa, asi ndinoteverera, kuti ndichibatewo, chandakabatirwawo naKristu Jesu. | |
Phil | Shona | 3:13 | Hama, ini handizviverengi kuti ndachibata, asi ndinoita chinhu chimwe, ndichikanganwa zvinhu zviri shure, ndichinanavira zvinhu zviri mberi, | |
Phil | Shona | 3:14 | ndinoteverera kuchinangwa, kumubairo wekudana kwekumusoro kwaMwari muna Kristu Jesu. | |
Phil | Shona | 3:15 | Naizvozvo isu tese takakwana, ngative nemufungo uyu; uye kana zvimwe mune umwe mufungo, Mwari achakuratidzai kunyange izvi. | |
Phil | Shona | 3:17 | Hama, ivai vatevedzeri vangu pamwe, natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvamakava nesu semuenzaniso. | |
Phil | Shona | 3:18 | Nokuti vazhinji vanofamba, vandakakuudzai nezvavo kazhinji, nazvino ndinokuudzai kunyange nekuchema, vavengi vemuchinjikwa waKristu; | |
Phil | Shona | 3:19 | kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, uye kurumbidzwa kuri mukunyadzwa kwavo, vanofunga zvenyika. | |
Phil | Shona | 3:20 | Nokuti ubwo hwedu huri kumatenga, uko kwatakataririrawo kuti Muponesi achabva, Ishe Jesu Kristu; | |