REVELATION OF JOHN
Chapter 10
Reve | Shona | 10:1 | Zvino ndakaona umwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga, akapfekedzwa gore; nemurarabungu uri mumusoro make, uye chiso chake chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzemoto; | |
Reve | Shona | 10:2 | uye wakange ane bhuku diki rakazaruka muruoko rwake; ndokuisa rutsoka rwake rwerudyi pamusoro pegungwa, nerweruboshwe pamusoro penyika; | |
Reve | Shona | 10:3 | zvino akadanidzira nenzwi guru seshumba inodzvova; wakatiwo adanidzira, kutinhira kunomwe kukareva manzwi ako. | |
Reve | Shona | 10:4 | Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva manzwi ako, ndakange ndododa kunyora; ndokunzwa inzwi kubva kudenga richiti kwandiri: Zarira nemucherechedzo kutinhira kunomwe zvakwareva, uye usanyora zvinhu izvi. | |
Reve | Shona | 10:5 | Zvino mutumwa wandakaona amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika wakasimudzira ruoko rwake kudenga, | |
Reve | Shona | 10:6 | ndokupika naiye anorarama kusvikira rinhi narinhi, wakasika denga nezviri mariri, nenyika nezviri mairi, negungwa nezviri mariri, kuti nguva haichazovipo. | |
Reve | Shona | 10:7 | Asi pamazuva enzwi remutumwa wechinomwe, kana woda kuridza, ipapo chakavanzika chaMwari chapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake vaporofita. | |
Reve | Shona | 10:8 | Zvino inzwi randakanzwa kubva kudenga, rakataura kwandirizve, ndokuti: Enda, tora bhuku diki rakazaruka riri muruoko rwemutumwa amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika. | |
Reve | Shona | 10:9 | Zvino ndakaenda kumutumwa, ndichiti kwaari: Ndipe bhuku diki. Zvino akati kwandiri: Tora ugoridya uripedze; zvino richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira seuchi. | |
Reve | Shona | 10:10 | Zvino ndakatora bhuku diki kubva muruoko rwemutumwa, ndokuridya rikapera; ndokuva mumuromo mangu seuchi, kutapira; asi ndaridya, dumbu rangu rakavava. | |