REVELATION OF JOHN
Chapter 12
Reve | Shona | 12:1 | Zvino kwakaonekwa chiratidzo chikuru kudenga, mukadzi akapfeka zuva, nemwedzi uri pasi petsoka dzake, nepamusoro wake korona yenyeredzi gumi nembiri; | |
Reve | Shona | 12:2 | uye wakange ane pamuviri, akadanidzira achirwadziwa nemimba, uye achitambudzwa kupona. | |
Reve | Shona | 12:3 | Zvino kwakaonekwa chimwe chiratidzo kudenga, tarirawo, zibukanana ziguru zidzvuku, rine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamisoro yaro korona nomwe. | |
Reve | Shona | 12:4 | Zvino muswe waro wakakweva chetatu chenyeredzi dzekudenga, ndokudzikandira panyika; zibukanana ndokumira pamberi pemukadzi wakange oda kupona, kuti kana apona, agoparadza mwana wake. | |
Reve | Shona | 12:5 | Zvino wakapona mwana mukomana, wakange oda kufudza marudzi ese netsvimbo yedare; mwana wake ndokubvutirwa kuna Mwari nekuchigaro chake cheushe. | |
Reve | Shona | 12:6 | Zvino mukadzi akatizira kurenje, kwaakange ane nzvimbo yakagadzirwa kubva kuna Mwari, kuti vamuriritira ipapo mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu. | |
Reve | Shona | 12:7 | Zvino kukava nehondo kudenga; Mikaeri nevatumwa vake vakarwa nezibukanana, zibukanana ndokurwa rine vatumwa varo; | |
Reve | Shona | 12:9 | Zvino zibukanana ziguru rakakandwa, nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi uye Satani, anonyengera nyika yese; wakakandirwa panyika, nevatumwa vake vakakandwa pamwe naye. | |
Reve | Shona | 12:10 | Zvino ndakanzwa inzwi guru richiti kudenga: Ikozvino ruponeso rwasvika, nesimba, neushe hwaMwari wedu, neumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakandirwa pasi, anovapomera pamberi paMwari wedu masikati neusiku. | |
Reve | Shona | 12:11 | Zvino ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko reuchapupu hwavo, uye havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu. | |
Reve | Shona | 12:12 | Naizvozvi farai, matenga nemwi munogara maari. Mune nhamo vagari venyika negungwa, nokuti dhiabhorosi wakaburukira kwamuri ane kutsamwa kukuru, nokuti anoziva kuti ane nguva diki. | |
Reve | Shona | 12:13 | Zvino zibukanana rakati raona kuti rakandirwa panyika, rakashusha mukadzi wakapona murume. | |
Reve | Shona | 12:14 | Zvino kumukadzi kwakapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanonoriritirwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, abve pauso hwenyoka. | |
Reve | Shona | 12:15 | Zvino nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo yakaita serwizi shure kwemukadzi kuti imukonzerese kukukurwa nerwizi. | |
Reve | Shona | 12:16 | Zvino nyika yakabatsira mukadzi, nyika ndokushamisa muromo wayo, ikamedza rwizi zibukanana rwarakabudisa mumuromo maro. | |