Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
REVELATION OF JOHN
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 22
Reve Shona 22:1  Zvino wakandiratidza rwizi rwemvura yeupenyu rwakachena, yakapenya sekrisitaro*, ichibuda pachigaro cheushe chaMwari, necheGwayana.
Reve Shona 22:2  Pakati penzira yaro uye kurutivi urwu neurwu rwerwizi kune muti weupenyu unoita zvibereko gumi nezviviri, uchibereka zvibereko zvawo mwedzi umwe neumwe; nemashizha emuti aiva ekuporesa ndudzi.
Reve Shona 22:3  Zvino hakuchavizve nekutuka kwese; asi chigaro cheushe chaMwari necheGwayana zvichava mariri; uye varanda vake vachamushumira,
Reve Shona 22:4  zvino vachaona chiso chake; nezita rake richava pahuma dzavo.
Reve Shona 22:5  Zvino usiku hahuchazovipo ipapo, uye havatsvaki mwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari anovapa chiedza; uye vachatonga kusvikira rinhi narinhi.
Reve Shona 22:6  Zvino akati kwandiri: Mashoko awa akatendeka uye ndeechokwadi; uye Ishe, Mwari wevaporofita vatsvene, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.
Reve Shona 22:7  Tarira, ndinokurumidza kuuya. Wakaropafadzwa anochengeta mashoko echiporofita chebhuku iri.
Reve Shona 22:8  Zvino ini Johwani, ndini ndakaona zvinhu izvi uye ndakanzwa. Zvino ndakati ndanzwa nekuona, ndakawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzemutumwa wakandiratidza zvinhu izvi.
Reve Shona 22:9  Zvino akati kwandiri: Rega kudaro; nokuti ndiri muranda pamwe newe, newehama dzako vaporofita, newevanochengeta mashoko ebhuku iri; namata Mwari.
Reve Shona 22:10  Zvino akati kwandiri: Usavharira nemucherechedzo mashoko echiporofita chebhuku iri, nokuti nguva yava pedo.
Reve Shona 22:11  Anoita zvisakarurama ngaagare achiita zvisakarurama; neane tsvina ngaagare ane tsvina; newakarurama ngaagare achiruramiswa; mutsvenewo ngaagare achiitwa mutsvene.
Reve Shona 22:12  Zvino tarira, ndinouya nekukurumidza; uye mubairo wangu uneni, kuti ndiripire umwe neumwe sezvichava mabasa ake.
Reve Shona 22:13  Ini ndiri Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, Wekutanga neWekupedzisira.
Reve Shona 22:14  Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nekodzero yemuti weupenyu, vagopinda nepamasuwo muguta.
Reve Shona 22:15  Asi kunze kune imbwa, nevaroyi, nemhombwe, nemhondi, nevanamati vezvifananidzo, nevese vanoda nhema vachidziita.
Reve Shona 22:16  Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kukupupurirai zvinhu izvozvi pamakereke. Ini ndiri mudzi nechizvarwa chaDhavhidhi, nyeredzi inopenya uye yemangwanani.
Reve Shona 22:17  Zvino Mweya nemwenga vanoti: Uya! Naiye anonzwa ngaati: Uya! Uye ane nyota ngaauye; neanoda ngaatore mvura yeupenyu pachena.
Reve Shona 22:18  Nokuti ndinopupura kune wese anonzwa mashoko echiporofita chebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri;
Reve Shona 22:19  uye kana munhu akabvisa pamashoko ebhuku rechiporofita ichi, Mwari achabvisa mugove wake pabhuku reupenyu, nepaguta dzvene, nezvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.
Reve Shona 22:20  Anopupura zvinhu izvi anoti: Hongu, ndinouya nekukurumidza. Ameni. Hongu uyai, Ishe Jesu.
Reve Shona 22:21  Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.