Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
REVELATION OF JOHN
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 9
Reve Shona 9:1  Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, zvino ndakaona nyeredzi ichibva kudenga ichiwira panyika, ndokupiwa kwaari kiyi yegomba risina chigadziko.
Reve Shona 9:2  Zvino yakazarura gomba risina chigadziko, utsi ndokusimuka kubva mugomba seutsi hwevira guru, nezuva nedenga zvikasvibiswa nekuda kweutsi hwegomba.
Reve Shona 9:3  Zvino muutsi mukabuda mhashu dzikauya panyika, ndokupiwa kwadziri simba, sezvinyavada zvenyika zvine simba.
Reve Shona 9:4  Kukanzi kwadziri dzirege kutadzira uswa hwenyika, kana chipi zvacho chinyoro, kana muti upi, asi vanhu chete vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo.
Reve Shona 9:5  Zvino kwakapiwa kwadziri kuti dzisavauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; uye kurwadzisa kwadzo kwaiita sekurwadzisa kwechinyavada kana chichiruma munhu.
Reve Shona 9:6  Zvino pamazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; uye vachashuva kufa, asi rufu rwuchavatiza.
Reve Shona 9:7  Uye zvimiro zvemhashu zvakaita semabhiza akagadzirirwa hondo; nepamisoro yadzo pane zvakaita sekorona dzakafanana negoridhe, nezviso zvadzo sezviso zvevanhu.
Reve Shona 9:8  Zvino dzakange dzine vhudzi sevhudzi revakadzi, nemeno adzo akaita seeshumba.
Reve Shona 9:9  Zvino dzakange dzine zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvidzitiro zvechifuva zvedare, nekutinhira kwemapapiro adzo sekutinhira kwengoro dzemabhiza mazhinji achimhanyira kuhondo.
Reve Shona 9:10  Zvino dzakange dzine miswe yakafanana nezvinyavada, uye pakange pane umborera pamiswe yadzo, nesimba radzo rekukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
Reve Shona 9:11  Zvino dzakange dzina mambo pamusoro padzo, mutumwa wegomba risina chigadziko, zita rake nechiHebheru riri Abhadhoni, uye nechiGiriki ane zita Aporioni.
Reve Shona 9:12  Nhamo imwe yapfuura; tarira, kuchiri kuuya nhamo mbiri shure kweizvi.
Reve Shona 9:13  Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, zvino ndakanzwa inzwi kubva panyanga ina dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari,
Reve Shona 9:14  richiti kumutumwa wechitanhatu wakange ane hwamanda: Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.
Reve Shona 9:15  Zvino vakasunungurwa vatumwa vana vakange vakagadzirirwa awa nezuva nemwedzi negore, kuti vauraye chetatu chevanhu.
Reve Shona 9:16  Zvino uwandu hwehondo dzevatasvi vemabhiza hwaiva makumi ezvuru maviri emakumi ezvuru; ndakanzwawo uwandu hwavo.
Reve Shona 9:17  Zvino saizvozvo ndakaona mabhiza muchiratidzo, nevakange vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvemoto, nezvehiasindo*, nezvesarufa*, nemisoro yemabhiza semisoro yeshumba, nemumiromo yawo makabuda moto neutsi nesarufa.
Reve Shona 9:18  Neizvi zvitatu kwakaurawa chetatu chevanhu, nemoto uye neutsi uye nesarufa, zvakabuda mumiromo yawo.
Reve Shona 9:19  Nokuti simba rawo riri mumuromo wawo, nemumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka uye ine misoro; uye anokuvadza nayo.
Reve Shona 9:20  Zvino vakasara vevanhu, vasina kuurawa pamatambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa emaoko avo, kuti varege kunamata madhimoni, nezvifananidzo zvegoridhe nesirivheri nezvendarira nezvemabwe nezvematanda, zvisingagoniwo kuona, zvisinganzwiwo, uye zvisingafambi;
Reve Shona 9:21  uye havana kutendeuka paumhondi hwavo, kana pauroyi hwavo, kana paupombwe hwavo, kana paumbavha hwavo.