REVELATION OF JOHN
Chapter 13
Reve | Shona | 13:1 | Zvino ndakamira pamusoro pejecha regungwa, ndokuona chikara chichibuda mugungwa, chine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamusoro penyanga dzacho korona gumi, nepamusoro pemisoro yacho zita rekunyomba. | |
Reve | Shona | 13:2 | Zvino chikara ichi chandakaona chakange chakaita sengwe, netsoka dzacho sedzebheya*, nemuromo wacho semuromo weshumba. Zibukanana rikapa kwachiri simba raro, nechigaro charo cheushe, nemasimba makuru. | |
Reve | Shona | 13:3 | Zvino ndakaona umwe wemisoro yacho wakaita sewakaurawa kusvika parufu; asi vanga racho rekufa rakange rapodzwa; nyika yese ikashamisika shure kwechikara. | |
Reve | Shona | 13:4 | Vakanamata zibukanana rakapa simba kuchikara, vakanamata chikara, vachiti: Ndiani wakafanana nechikara? Ndiani anogona kuita hondo nacho? | |
Reve | Shona | 13:5 | Zvino kukapiwa kwachiri muromo unotaura zvinhu zvikuru nekunyomba; kukapiwawo kwachiri simba rekubata mwedzi makumi mana nemiviri. | |
Reve | Shona | 13:6 | Ndokushamisa muromo wacho kuti chinyombe Mwari, nekunyomba zita rake, netabhenakeri yake, neavo vanogara kudenga. | |
Reve | Shona | 13:7 | Zvino kwakapiwa kwachiri kuita hondo nevatsvene, nekuvakunda; kukapiwawo kwachiri masimba pamusoro perudzi rwese nerurimi nerudzi. | |
Reve | Shona | 13:8 | Uye vese vanogara panyika vachachinamata, vane mazita asina kunyorwa mubhuku reupenyu reGwayana rakabaiwa kubva pakuvambwa kwenyika. | |
Reve | Shona | 13:10 | Kana umwe achiunganidza muutapwa, anoenda muutapwa; kana umwe achiuraya nemunondo, zvakamufanira kuurawa nemunondo. Ndipo pane kutsungirira nerutendo rwevatsvene. | |
Reve | Shona | 13:11 | Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira kubva panyika; uye chakange chine nyanga mbiri segwayana, ndokutaura sezibukanana. | |
Reve | Shona | 13:12 | Uye chakashandisa simba rese rechikara chekutanga pamberi pacho uye chinoita kuti nyika nevagere mukati mayo kuti vanamate chikara chekutanga, chiya chine vanga rinouraya rakaporeswa. | |
Reve | Shona | 13:13 | Chinoitawo zviratidzo zvikuru, kuti nemoto chinoita kuti uburuke kubva kudenga kuuya panyika pamberi pevanhu. | |
Reve | Shona | 13:14 | Zvino chinonyengera avo vanogara panyika nezviratidzo zvakapiwa kwachiri kuti chiite pamberi pechikara, chichiti kune vanogara panyika, ngavaitire mufananidzo chikara chakange chine vanga remunondo, chikararama. | |
Reve | Shona | 13:15 | Zvino kwakapiwa kwachiri kupa mweya kumufananidzo wechikara, kutiwo mufananidzo wechikara utaure, chigoita kuti vese vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe. | |
Reve | Shona | 13:16 | Chinoitawo vese, vadiki nevakuru, uye vafumi nevarombo, uye vakasununguka nevaranda, kuti vapiwe mucherechedzo muruoko rwavo rwerudyi, kana pahuma dzavo, | |
Reve | Shona | 13:17 | uye kuti kusava neumwe anogona kutenga kana kutengesa, kunze kwaiye ane mucherechedzo, kana zita rechikara kana nhamba yezita racho. | |