REVELATION OF JOHN
Chapter 7
Reve | Shona | 7:1 | Zvino shure kweizvi ndakaona vatumwa vana vamire kumativi mana enyika vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kuvhuvhuta panyika, kana pagungwa, kana pamuti upi zvawo. | |
Reve | Shona | 7:2 | Uye ndakaona umwe mutumwa achikwira kubva kumabvazuva kwezuva ane mucherechedzo waMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakange vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa, | |
Reve | Shona | 7:3 | achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo varanda vaMwari wedu pahuma dzavo. | |
Reve | Shona | 7:4 | Zvino ndakanzwa uwandu hwevakaiswa mucherechedzo: Zvuru zana nemakumi mana nezvina vakaiswa mucherechedzo kubva kumarudzi ese evana vaIsraeri. | |
Reve | Shona | 7:5 | Kubva kurudzi rwaJudha zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRubheni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaGadhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; | |
Reve | Shona | 7:6 | kubva kurudzi rwaAsheri zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaNafutarimi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaManase zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; | |
Reve | Shona | 7:7 | kubva kurudzi rwaSimioni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRevhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaIsaskari zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; | |
Reve | Shona | 7:8 | kubva kurudzi rwaZebhuruni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaJosefa zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaBhenjamini zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo. | |
Reve | Shona | 7:9 | Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, chaunga chikuru, chisina anogona kuverenga, chinobva kundudzi dzese, nemarudzi, nevanhu, nendimi, vakamira pamberi pechigaro cheushe nepamberi peGwayana, vakamonera nguvo refu chena, nemichindwe mumaoko avo; | |
Reve | Shona | 7:10 | zvino vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kuna Mwari wedu anogara pachigaro cheushe, nekuGwayana. | |
Reve | Shona | 7:11 | Zvino vatumwa vese vakamira vakakomba chigaro cheushe nevakuru nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawa pamberi pechigaro cheushe nezviso zvavo, ndokunamata Mwari, | |
Reve | Shona | 7:12 | vachiti: Ameni: Kurumbidzwa nekubwinya nenjere nekuvonga nerukudzo nesimba nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. | |
Reve | Shona | 7:13 | Zvino umwe wevakuru wakapindura, achiti kwandiri: Ava vakapfeka nguvo refu chena ndivana ani, uye vakabvepi? | |
Reve | Shona | 7:14 | Zvino ndakati kwaari: Ishe, ndimwi munoziva. Zvino akati kwandiri: Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, uye vakasuka nguvo refu dzavo, uye ivo vakadzichenesa muropa reGwayana. | |
Reve | Shona | 7:15 | Nekuda kweizvi vari pamberi pechigaro cheushe chaMwari, vanomushumira masikati neusiku mutembere yake; uye anogara pachigaro cheushe achatandavadza tende pamusoro pavo. | |
Reve | Shona | 7:16 | Havachazombovi nenzara kana kuzombova nenyota, nezuva haringatongovawiri, kana kupisa kupi zvako; | |