Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
REVELATION OF JOHN
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 19
Reve Shona 19:1  Zvino shure kweizvi ndakanzwa inzwi guru rechaunga chikuru kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu;
Reve Shona 19:2  nokuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, uye wakatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo.
Reve Shona 19:3  Zvino vakati rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hunokwira kusvikira rinhi narinhi.
Reve Shona 19:4  Zvino vakuru makumi maviri nevana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawa vakanamata Mwari wakange agere pachigaro cheushe, vachiti: Ameni, Hareruya!
Reve Shona 19:5  Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mese varanda vake, nevanomutya, zvese vadiki nevakuru.
Reve Shona 19:6  Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kune simba richiti: Hareruya! Nokuti anotonga Ishe Mwari Wemasimbaose.
Reve Shona 19:7  Ngatifare, tipembere, nekupa rukudzo kwaari; nokuti muchato weGwayana wasvika, uye mukadzi waro wazvigadzirira.
Reve Shona 19:8  Kwaari kwakapiwa kuti amonere mucheka wakaisvonaka wakachena uye unopenya; nokuti mucheka wakaisvonaka ndiwo kururama kwevatsvene.
Reve Shona 19:9  Zvino wakati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokwa kuchirairo chemuchato weGwayana. Ndokuti kwandiri: Awa mashoko echokwadi aMwari.
Reve Shona 19:10  Zvino ndakawira pamberi petsoka dzake kuti ndimunamate; ndokuti kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nokuti ndihwo uchapupu hwaJesu mweya wechiporofita.
Reve Shona 19:11  Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, newakange agere pamusoro paro anonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama anotonga nekurwa.
Reve Shona 19:12  Zvino meso ake akaita semurazvo wemoto; nepamusoro wake pane korona zhinji, ane zita rakanyorwa risina munhu wakariziva kunze kwake.
Reve Shona 19:13  Zvino wakamonera nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi shoko raMwari.
Reve Shona 19:14  Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka mucheka wakaisvonaka muchena wakashambidzika.
Reve Shona 19:15  Zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye iye achaatonga netsvimbo yedare; uye iye anotsika chisviniro chewaini chehasha uye chekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose.
Reve Shona 19:16  Uye panguvo nepachidzva chake pakange pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WEMADZIMAMBO NAISHE WEMADZISHE.
Reve Shona 19:17  Zvino ndakaona mutumwa umwe amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzese dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai muungane pamwe pachirairo chaMwari mukuru,
Reve Shona 19:18  kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza neyevatasvi vawo, nenyama yezvese, zvese yevakasununguka neyevakasungwa, zvese yevadiki neyevakuru.
Reve Shona 19:19  Zvino ndakaona chikara, nemadzimambo enyika nehondo dzavo vakaungana pamwe kuti vaite hondo newakange akatasva bhiza, uye nehondo yake.
Reve Shona 19:20  Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe nacho muporofita wenhema wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vese vakakandirwa vari vapenyu mudziva remoto unotsva nesarufa.
Reve Shona 19:21  Uye vakasara vakaurawa nemunondo wewakange akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzese dzikagutiswa nenyama yavo.