Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
REVELATION OF JOHN
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 14
Reve Shona 14:1  Zvino ndakaona, uye tarira, Gwayana ramira pagomo Ziyoni, uye rine zvuru zana nemakumi mana nevana, vane zita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.
Reve Shona 14:2  Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, uye senzwi remutinhiro mukuru; ndikanzwawo inzwi revaridzi veudimbwa vachiridza udimbwa hwavo.
Reve Shona 14:3  Zvino vakaimba serwiyo rutsva pamberi pechigaro cheushe, nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, nevakuru; uye hakuna wakagona kudzidza rwiyo, kunze kwezvuru zana nemakumi mana nevana, vakatengwa munyika.
Reve Shona 14:4  Ava ndivo vasina kusvibiswa nevakadzi; nokuti imhandara. Ava ndivo vanotevera Gwayana kupi zvako kwarinoenda. Ava vakatengwa kubva pavanhu, zvibereko zvekutanga kuna Mwari nekuGwayana.
Reve Shona 14:5  Uye mumuromo wavo hamuna kuwanikwa kunyengera, nokuti havana chavanopomerwa pamberi pechigaro cheushe chaMwari.
Reve Shona 14:6  Zvino ndakaona umwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane evhangeri yekusingaperi, kuparidzira vanogara panyika, nekurudzi rwese, nedzinza, nerurimi, nevanhu.
Reve Shona 14:7  Achiti nenzwi guru: Ityai Mwari, uye mupe rumbidzo kwaari, nokuti nguva yemutongo wake yasvika; uye namatai iye wakaita denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.
Reve Shona 14:8  Zvino umwe mutumwa wakatevera achiti: Rawa, rawa, Bhabhironi, guta guru, nokuti rakapa marudzi ese kunwa zvewaini yekutsamwa kweupombwe hwaro.
Reve Shona 14:9  Zvino mutumwa wechitatu wakavatevera, achiti nenzwi guru: Kana pane umwe anonamata chikara nemufananidzo wacho, nekugamuchira mucherechedzo pahuma yake, kana paruoko rwake,
Reve Shona 14:10  ndiyewo achanwa zvewaini yekutsamwa kwaMwari, yakadururwa mumukombe wekutsamwa kwake, isina kuvhenganiswa; uye acharwadziswa mumoto uye sarufa pamberi pevatumwa vatsvene, nepamberi peGwayana.
Reve Shona 14:11  Zvino utsi hwekurwadziwa kwavo hunokwira kusvikira rinhi narinhi; uye havana zororo masikati neusiku ivo vanonamata chikara nemufananidzo wacho, uye kana pane anogamuchira mucherechedzo wezita racho.
Reve Shona 14:12  Hekuno kutsungirira kwevatsvene, hevano vanochengeta mirairo yaMwari nerutendo rwaJesu.
Reve Shona 14:13  Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna Ishe kubva ikozvino. Hongu, anoreva Mweya, kuti vazorore pakushingaira kwavo; nemabasa avo anotevera pamwe navo.
Reve Shona 14:14  Zvino ndakaona, uye tarira, gore jena, nepamusoro pegore pakagara wakaita seMwanakomana wemunhu, ane korona yegoridhe pamusoro wake, neparuoko rwake jeko rinopinza.
Reve Shona 14:15  Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere, achidanidzira nenzwi guru kuna iye wakange agere pamusoro pegore, achiti: Pinza jeko rako ugokohwa; nokuti nguva yekukohwa yakusvikira, nokuti kukohwa kwenyika kwaibva.
Reve Shona 14:16  Zvino wakange agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ndokukohwewa.
Reve Shona 14:17  Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, iyewo ane jeko rinopinza.
Reve Shona 14:18  Neumwe mutumwa akabuda muaritari, ane simba pamusoro pemoto, akadanidzira nekudana kukuru kuna iye wakange ane jeko rinopinza, achiti: Tuma jeko rako rinopinza, ugounganidza masumbu emuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.
Reve Shona 14:19  Zvino mutumwa wakakandira jeko rake panyika, ndokuunganidza mazambiringa enyika, akakandira muchisviniro chewaini chikuru chekutsamwa kwaMwari.
Reve Shona 14:20  Uye chisviniro chewaini chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro chewaini kusvikira pamatomu amabhiza, kubva kumastadhia* churu mazana matanhatu.