Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
REVELATION OF JOHN
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 4
Reve Shona 4:1  Shure kweizvi ndakaona, zvino tarira, mukova wakazaruka kudenga, nenzwi rekutanga randakanzwa rakaita serehwamanda richitaura neni, richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinhu zvinofanira kuitika shure kweizvi.
Reve Shona 4:2  Zvino pakarepo ndakava muMweya; zvino tarira, chigaro cheushe chakagadzwa kudenga, nepamusoro pechigaro cheushe umwe agere.
Reve Shona 4:3  Iye wakange agere pakuonekwa wakange akafanana nebwe rejasipisi* nesadhio*; nemurarabungu wakakomberedza chigaro cheushe waitaridzika sebwe reemaradhi*.
Reve Shona 4:4  Zvino zvigaro zveushe makumi maviri nezvina zvakange zvakakomberedza chigaro cheushe; nepazvigaro zveushe ndakaona vakuru makumi maviri nevana vagere, vakapfeka nguvo chena, uye vakange vane korona dzegoridhe pamisoro yavo.
Reve Shona 4:5  Nepachigaro cheushe pakabuda mheni nekutinhira nemanzwi; nemwenje minomwe yemoto ichipfuta pamberi pechigaro cheushe, iri Mweya minomwe yaMwari.
Reve Shona 4:6  Zvino pamberi pechigaro cheushe pakange pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro*. Nepakati pechigaro cheushe nepakapoteredza chigaro cheushe pane zvisikwa zvina zvipenyu zvizere nemeso mberi neshure.
Reve Shona 4:7  Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobhururuka.
Reve Shona 4:8  Nezvisikwa zvipenyu izvi chimwe nechimwe chakange chine mapapiro matanhatu mativi ese, nemukati zvakange zvizere nemeso; uye hazvizorori masikati neusiku, zvichiti: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Ishe Mwari, Wemasimbaose, wakange aripo, uye aripo, neachazouya.
Reve Shona 4:9  Zvino apo zvisikwa zvipenyu izvi pazvaimupa kubwinya nerukudzo nekuvongwa iye anogara pachigaro cheushe, iye anorarama kusvikira rinhi narinhi,
Reve Shona 4:10  vakuru makumi maviri nevana vakazviwisira pasi pamberi peagere pachigaro cheushe ndokumunamata iye anorarama kusvikira rinhi narinhi, uye vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro cheushe, vachiti:
Reve Shona 4:11  Makafanira, Ishe, kugamuchira kubwinya, nerukudzo, nesimba; nokuti ndimwi makasika zvinhu zvese, uye nekuda kwechido chenyu zviripo uye zvakasikwa.