REVELATION OF JOHN
Chapter 3
Reve | Shona | 3:1 | Uye kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora uti: Zvinhu izvi anoreva iye ane Mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rekuti unorarama, asi wakafa. | |
Reve | Shona | 3:2 | Iva wakarinda, uye simbisa zvinhu zvakasara zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako akaperedzerwa pamberi paMwari. | |
Reve | Shona | 3:3 | Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nekunzwa sei; uye chengeta, uye tendeuka. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungatongozivi kuti iawa ripi randichauya naro pamusoro pako. | |
Reve | Shona | 3:4 | Une mazita mashoma kunyange paSadhisi asina kusvibiswa nguvo dzawo; uye vachafamba neni munguvo chena, nokuti vakafanira. | |
Reve | Shona | 3:5 | Uyo anokunda, ndiye achapfekedzwa nguvo chena; uye handichatongodzimi zita rake pabhuku reupenyu, uye ndichareurura zita rake pamberi paBaba vangu, nepamberi pevatumwa vake. | |
Reve | Shona | 3:7 | Nekumutumwa wekereke iri muFiradhefia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Mutsvene, Wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anozarura pasinawo anopfiga, nekupfiga pasinawo anozarura: | |
Reve | Shona | 3:8 | Ndinoziva mabasa ako; tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazarurwa, uye hakuna angagona kuupfiga, nokuti une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu, nekusaramba zita rangu. | |
Reve | Shona | 3:9 | Tarira, ndichakupa vanobva kusinagoge raSatani, vanozviti VaJudha, vasiri ivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavaita kuti vauye vagonamata pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ini ndakakuda. | |
Reve | Shona | 3:10 | Nokuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, neni ndichakuchengeta panguva yekuedzwa ichauya pamusoro penyika yese, kuedza vanogara panyika. | |
Reve | Shona | 3:11 | Tarira, ndinouya nekukurumidza; batisisa chaunacho, kuti kusava neanotora korona yako. | |
Reve | Shona | 3:12 | Uyo anokunda, ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haachatongobudizve; uye ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, reJerusarema idzva, rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva. | |
Reve | Shona | 3:14 | Nekumutumwa wekereke yeVaRaodhikia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari: | |
Reve | Shona | 3:15 | Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori uye haupisi. Ndaida kuti dai uchitonhora kana uchipisa. | |
Reve | Shona | 3:17 | Nokuti unoti: Ndiri mufumi, uye ndakafuma, uye handishaiwi chinhu, asi hauzivi kuti ndiwe unotambura, neune nhamo, nemurombo, nebofu, newakashama; | |
Reve | Shona | 3:18 | ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakaidzwa mumoto, kuti ufume; nenguvo chena, kuti upfeke, uye nyadzi dzekushama kwako dzirege kuratidzika; uye uzore meso ako nechizoro chameso, kuti uone. | |
Reve | Shona | 3:20 | Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova, ndichapinda kwaari, uye ndicharaira naye, naiye neni. | |
Reve | Shona | 3:21 | Anokunda, ndichamupa kugara neni pachigaro changu cheushe, sezvo neni ndakakunda ndikagara pamwe naBaba vangu pachigaro chavo cheushe. | |