Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
REVELATION OF JOHN
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 8
Reve Shona 8:1  Zvino wakati azarura mucherechedzo wechinomwe, kwakavapo kunyarara kudenga kwakaita sehafu yeawa.
Reve Shona 8:2  Zvino ndakaona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari, kukapiwawo kwavari hwamanda nomwe.
Reve Shona 8:3  Zvino umwe mutumwa wakauya akamira paaritari, ane mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe; kukapiwa kwaari zvinonhuhwira zvizhinji, kuti azvipe neminyengetero yevatsvene vese pamusoro pearitari yegoridhe yakange iri pamberi pechigaro cheushe.
Reve Shona 8:4  Zvino utsi hwezvinonhuhwira hwakakwira neminyengetero yevatsvene huchibva muruoko rwemutumwa pamberi paMwari.
Reve Shona 8:5  Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, ndokuuzadza nemoto wearitari, ndokuukanda panyika; zvino kwakavapo manzwi nekutinhira nemheni nekudengenyeka kwenyika.
Reve Shona 8:6  Zvino vatumwa vanomwe vakange vane hwamanda nomwe vakazvigadzirira kuti varidze.
Reve Shona 8:7  Zvino mutumwa wekutanga wakaridza, ndokuvapo chimvuramabwe nemoto zvakavhenganiswa neropa, ndokukandwa panyika; nechetatu chemiti chakapiswa, neuswa unyoro hwese hwakapiswa.
Reve Shona 8:8  Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, zvino chimwe segomo guru rinopfuta nemoto chikakandwa mugungwa; chetatu chegungwa ndokuva ropa;
Reve Shona 8:9  ndokufa chetatu chezvisikwa zviri mugungwa zvine upenyu, nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.
Reve Shona 8:10  Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, kukawa kubva kudenga nyeredzi huru, ichipfuta semwenje, ndokuwira pamusoro pechetatu chenzizi, nepamusoro pezvitubu zvemvura.
Reve Shona 8:11  Zvino zita renyeredzi rainzi Gavakava; chetatu chemvura ndokuva gavakava, nevanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakange yavaviswa.
Reve Shona 8:12  Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva ndokurohwa nechetatu chemwedzi nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chemasikati chirege kuvhenekera, neusiku saizvozvo.
Reve Shona 8:13  Zvino ndakatarira, ndokunzwa mutumwa umwe achibhururuka ari pakati pedenga achiti nenzwi guru: Mune nhamo, mune nhamo, mune nhamo vagari vepanyika, pamanzwi asara ehwamanda yevatumwa vatatu vachazoridza!