REVELATION OF JOHN
Chapter 16
Reve | Shona | 16:1 | Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, munodurura ndiro dzehasha dzaMwari panyika. | |
Reve | Shona | 16:2 | Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; ndokuuya ronda rakaipa rinorwadza pavanhu vakange vane mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. | |
Reve | Shona | 16:3 | Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake mugungwa; ndokuva ropa serewakafa; uye mweya mupenyu wega-wega ukafa mugungwa. | |
Reve | Shona | 16:4 | Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake munzizi nemuzvitubu zvemvura; ndokuva ropa. | |
Reve | Shona | 16:5 | Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama, Ishe, aripo, newakange aripo, neachazovapo, nokuti makatonga izvi. | |
Reve | Shona | 16:6 | Nokuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye ropa makavapa kuti vanwe; nokuti vakafanira. | |
Reve | Shona | 16:7 | Zvino ndakanzwa umwe kubva muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wemasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi uye kwakarurama. | |
Reve | Shona | 16:8 | Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva; kukapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto. | |
Reve | Shona | 16:9 | Vanhu ndokupiswa nekupisa kukuru, ndokunyomba zita raMwari ane simba pamusoro pematambudziko awa, vakasatendeukawo kuti vamupe rukudzo. | |
Reve | Shona | 16:10 | Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuva rima, ndokutsenga marimi avo nekurwadzwa. | |
Reve | Shona | 16:11 | Zvino vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo uye nekuda kwemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo. | |
Reve | Shona | 16:12 | Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru Yufuratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe. | |
Reve | Shona | 16:13 | Zvino ndakaona kubva mumuromo wezibukanana, nekubva mumuromo wechikara, nekubva mumuromo wemuporofita wenhema, mweya yetsvina mitatu sematafi; | |
Reve | Shona | 16:14 | nokuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo, inobudira pamadzimambo epasi neenyika yese, kuvaunganidzira kuhondo yezuva iro guru raMwari Wemasimbaose. | |
Reve | Shona | 16:15 | Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa anorinda, nekuchengeta nguvo dzake, kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake. | |
Reve | Shona | 16:17 | Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga; kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, kubva pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika! | |
Reve | Shona | 16:18 | Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni, ndokuva nekudengenyeka kwenyika kukuru, kwakadaro kusina kumbovapo kubva pakuvapo kwevanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba rakadai, kwakakura zvakadai. | |
Reve | Shona | 16:19 | Zvino guta guru rakava zvikamu zvitatu, maguta emarudzi ndokuwa; Bhabhironi guru ndokurangarirwa pamberi paMwari, kuti aripe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake. | |