REVELATION OF JOHN
Chapter 17
Reve | Shona | 17:1 | Zvino kwakauya umwe wevatumwa vanomwe vakange vane ndiro nomwe, ndokutaura neni, achiti kwandiri: Uya pano, ndicharatidza kwauri mutongo wemhombwe huru igere pamusoro pemvura zhinji; | |
Reve | Shona | 17:2 | madzimambo enyika aakaita upombwe nayo, nevagari vepanyika vakadhakiswa newaini yeupombwe hwayo. | |
Reve | Shona | 17:3 | Zvino wakandisengera kurenje mumweya, uye ndakaona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere nemazita ekunyomba, chine misoro minomwe nenyanga gumi. | |
Reve | Shona | 17:4 | Zvino mukadzi wakange akamonera zvine ruvara rwehute nezvitsvuku, uye akashonga goridhe nemabwe anokosha nemaparera*, ane mukombe wegoridhe muruoko rwake uzere nezvinosemesa netsvina yeupombwe hwake. | |
Reve | Shona | 17:5 | Nepahuma yake pakange pakanyorwa zita rekuti: CHAKAVANZIKA, BHABHIRONI GURU, MAI VEMHOMBWE NEZVINOSEMESA ZVENYIKA. | |
Reve | Shona | 17:6 | Zvino ndakaona mukadzi akararadza neropa revatsvene, uye neropa rezvapupu zvaJesu. Zvino ndakati ndamuona ndikashamisika nekushamisika kukuru. | |
Reve | Shona | 17:7 | Zvino mutumwa akati kwandiri: Washamisika nei? Ini ndichakuudza chakavanzika chemukadzi, nechechikara chinomutakura, chine misoro minomwe nenyanga gumi. | |
Reve | Shona | 17:8 | Chikara chawakaona, chaivapo, uye chisipo; uye choda kukwira chichibva mugomba risina chigadziko, chichienda mukuparadzwa; uye vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku reupenyu kubva pakuvambwa kwenyika vachashamisika vachiona chikara chaivapo uye chisipo, kunyange chiripo. | |
Reve | Shona | 17:9 | Zvino heino fungwa ine njere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe mukadzi paagere pamusoro pawo, | |
Reve | Shona | 17:10 | uye ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, uye umwe aripo, umwe haasati asvika; uye kana achisvika, anofanira kugara chinguvana. | |
Reve | Shona | 17:11 | Uye chikara chaivapo, uye chisipo, ndiyewo werusere, uye anobva pavanomwe, uye anoenda mukuparadzwa. | |
Reve | Shona | 17:12 | Nenyanga gumi dzawaona, ndiwo madzimambo gumi, asati agamuchira ushe, asi achagamuchira simba semadzimambo pamwe nechikara awa rimwe. | |
Reve | Shona | 17:14 | Ava vacharwa neGwayana, uye Gwayana richavakunda, nokuti ndiIshe wemadzishe naMambo wemadzimambo; nevanaro ndevakadanwa nevakasarudzwa nevakatendeka. | |
Reve | Shona | 17:15 | Zvino akati kwandiri: Mvura yawaona, pagere mhombwe, ndivo vanhu nezvaunga nemarudzi nendimi. | |
Reve | Shona | 17:16 | Uye nyanga gumi dzawaona pamusoro pechikara, avo vachavenga mhombwe, uye vachaiparadza nekuifukura, uye vachadya nyama yayo, nekuipisa nemoto. | |
Reve | Shona | 17:17 | Nokuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite fungwa yake, vaite fungwa imwe, nekupa chikara ushe hwavo, kusvikira mashoko aMwari apedzeredzwa. | |