Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
HEBREWS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 5
Hebr Shona 5:1  Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe, wakatorwa kubva kuvanhu, anogadzirwa vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abaire zvese zvipo nezvibairo nekuda kwezvivi;
Hebr Shona 5:2  iye anogona kuva nemoyo munyoro pane vasingazivi nevakatsauka, sezvo naiye akakomberedzwa neutera.
Hebr Shona 5:3  Uye nekuda kwaizvozvi anofanira kubaira zvivi, sezvaanobaira zvevanhu, zvakadaro nekwaari.
Hebr Shona 5:4  Zvino hakuna munhu angazvitorera rukudzo uru, asi uyo wakadanwa naMwari, saAroniwo.
Hebr Shona 5:5  Saizvozvo Kristuwo haana kuzvikudza iye kuva mupristi mukuru, asi uyo wakati kwaari: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka.
Hebr Shona 5:6  Sepamwewo anoti: Ndiwe mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki.
Hebr Shona 5:7  Iye pamazuva enyama yake, abaira minyengetero nemikumbiro nekuchema kukuru nemisodzi kuna iye waigona kumuponesa kubva parufu, uye akanzwikwa nekuda kwekutya Mwari,
Hebr Shona 5:8  kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera kubva pazvinhu zvaakatambudzika,
Hebr Shona 5:9  akatiwo aitwa wakaperedzerwa, akava muvambi weruponeso rwusingaperi kune vese vanomuteerera;
Hebr Shona 5:10  anzi naMwari mupristi mukuru kubva kurudzi rwaMerikizedheki.
Hebr Shona 5:11  Watine zvizhinji zvatingataura pamusoro pake zvinoremawo kududzira, zvamakagomara pakunzwa.
Hebr Shona 5:12  Nokuti apo pamaifanira kuva vadzidzisi nekuda kwenguva, makashaiwazve kuti kuve neanokudzidzisai kuti zvimiso zvekutanga zvemashoko aMwari zvii, uye mava vanoda mukaka, uye kwete kudya kukukutu.
Hebr Shona 5:13  Nokuti ani nani anodya mukaka haana unyanzvi mushoko rekururama; nokuti mucheche.
Hebr Shona 5:14  Asi kudya kukukutu ndekwevakura zvakazara, ivo nekurovedzwa vakadzidzisa pfungwa kuparadzanisa zvese zvakanaka nezvakaipa.