Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
HEBREWS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 1
Hebr Shona 1:1  Mwari iye ataura kare nenzira dzakawanda kumadzibaba nevaporofita muzvikamu nezvikamu,
Hebr Shona 1:2  pamazuva awa ekupedzisira akataura kwatiri muMwanakomana, waakagadza mudyi wenhaka wezvinhu zvese, waakaitawo naye nyika,
Hebr Shona 1:3  iye ari kupenya kwekubwinya, nemufananidzo chaiwo wekuvapo kwake, uye achitakura zvinhu zvese neshoko resimba rake, wakati aita kubudikidza naiye pachake kunatswa kwezvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweuMambo huri kunzvimbo dzekumusoro,
Hebr Shona 1:4  apfuudzwa vatumwa zvikuru pakunaka, sezvo akange awana nhaka yezita gurusa kupfuura ivo.
Hebr Shona 1:5  Nokuti ndekune upi wevatumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? Uyezve: Ini ndichava kwaari Baba, uye iye achava Mwanakomana kwandiri?
Hebr Shona 1:6  Uye kana achiuisazve dangwe panyika anoti: Nevatumwa vese vaMwari ngavamunamate.
Hebr Shona 1:7  Nekuvatumwa zvirokwazvo anoti: Iye anoita vatumwa vake mweya, nevaranda vake murazvo wemoto;
Hebr Shona 1:8  asi kuMwanakomana anoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri, tsvimbo yekururama itsvimbo yeushe hwenyu.
Hebr Shona 1:9  Makada kururama, ndokuvenga kuipa; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura vamwe venyu.
Hebr Shona 1:10  Uye kuti: Imwi Ishe, pakutanga makateya nheyo dzenyika, nematenga mabasa emaoko enyu;
Hebr Shona 1:11  izvo zvichaparara, asi imwi mucharamba muripo; uye zvese zvichasakara senguvo;
Hebr Shona 1:12  uye sechifukidzo muchazvipeta, uye zvichashandurwa; asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi.
Hebr Shona 1:13  Asi ndekune upi wevatumwa kwaakambotaura achiti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
Hebr Shona 1:14  Ko havasi vese mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwevachazodya nhaka yeruponeso here?