Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
HEBREWS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 13
Hebr Shona 13:2  Musakanganwa kugamuchira vaeni; nokuti mukudaro vamwe vakagamuchira vatumwa vasingazvizivi.
Hebr Shona 13:3  Rangarirai vasungwa, semakasungwa pamwe navo; vanoitirwa zvakaipa, sezvinonzi ndimwiwo muri pamuviri.
Hebr Shona 13:4  Wanano ngaikudzwe kune vese, nenhovo irege kusvibiswa; asi Mwari achatonga mhombwe nezvifeve.
Hebr Shona 13:5  Mararamiro enyu ngaave ekusakarira mari; gutsikanai nezvinhu zviripo; nokuti iye wakati: Handingatongokurasi, uye handingatongokusii.
Hebr Shona 13:6  Naizvozvo tingashinga tichiti: Ishe mubatsiri wangu, uye handingatyi munhu zvaangandiitira.
Hebr Shona 13:7  Rangarirai vanokutungamirirai, vakataura kwamuri shoko raMwari; muchicherekedza kuguma kwemafambiro avo, teverai rutendo rwavo.
Hebr Shona 13:8  Jesu Kristu wakadaro zuro nanhasi, nekusingaperi.
Hebr Shona 13:9  Musakukurwa nedzidziso dzakasiyana-siyana uye dzisingazikanwi; nokuti chinhu chakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha, kwete nekudya, kwavasina kubatsirwa nako ivo vakafamba makuri.
Hebr Shona 13:10  Tine aritari, pavasina kodzero yekudya pairi ivo vanoshumira tabhenakeri.
Hebr Shona 13:11  Nokuti mhuka idzo, dzakaisirwa ropa radzo panzvimbo tsvene nemupristi mukuru nekuda kwechivi, mitumbi yadzo inopiswa kunze kwemusasa.
Hebr Shona 13:12  Naizvozvo naJesuwo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake pachake wakatambudzika kunze kwesuwo.
Hebr Shona 13:13  Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemusasa, takatakura kunyadziswa kwake.
Hebr Shona 13:14  Nokuti pano hatina guta rinogara, asi tinotsvaka rinouya.
Hebr Shona 13:15  Naizvozvo kubudikidza naye ngatirambe tichibaira chibairo chekurumbidza kuna Mwari, ndicho chibereko chemiromo ichibvuma zita rake.
Hebr Shona 13:16  Asi musakanganwa kuita zvakanaka nekudyidzana; nokuti Mwari anofadzwa nezvibairo zvakadaro.
Hebr Shona 13:17  Teererai vanokutungamirirai, uye muzviise pasi pavo; nokuti ava vanorindira mweya yenyu, sevachazopa rondedzero, kuti vaite izvozvo nemufaro, kwete nekugomera; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi.
Hebr Shona 13:18  Tinyengetererei; nokuti tinovimba kuti tine hana yakanaka, tichida kufamba zvakanaka pazvinhu zvese;
Hebr Shona 13:19  uye ndinokukumbirisisai kuti muite izvozvi, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.
Hebr Shona 13:20  Zvino Mwari werugare, wakadzosa kubva kuvakafa Mufudzi mukuru wemakwai, neropa resungano yekusingaperi, iye Ishe wedu Jesu,
Hebr Shona 13:21  ngaakupereredzei pabasa rese rakanaka kuti muite chido chake, achiita mukati menyu izvo zvinofadza pamberi pake kubudikidza naJesu Kristu, ngaave nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
Hebr Shona 13:22  Asi ndinokukumbirisai, hama, gamuchirai makatsunga shoko rekurudziro, nokutiwo ndakunyorerai nemashoko mashoma.
Hebr Shona 13:23  Zivai kuti Timotio hama yedu wakasunungurwa, kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai ndinaye.
Hebr Shona 13:24  Kwazisai vese vanokutungamirirai, nevatsvene vese. Vanobva Itaria vanokukwazisai.