Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
HEBREWS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 9
Hebr Shona 9:1  Naizvozvowo zvirokwazvo sungano yekutanga yakange ine zviga zvekushumira Mwari, nenzvimbo tsvene yenyika.
Hebr Shona 9:2  Nokuti tabhenakeri yakagadzirwa, yekutanga maiva nechigadziko chemwenje netafura nezvingwa zvekuratidza, ndiyo inonzi nzvimbo tsvene.
Hebr Shona 9:3  Zvino seri kwevheiri rechipiri kwakange kune tabhenakeri yainzi nzvimbo tsvene yedzitsvene,
Hebr Shona 9:4  yakange ine mudziyo wegoridhe wezvipfungaidzo zvinonhuhwira, neareka yesungano yakange yakanamwa nhivi dzese negoridhe, maiva nehari yegoridhe yakange ine mana, netsvimbo yaAroni yakatunga, nemaheandefa esungano;
Hebr Shona 9:5  nepamusoro payo makerubhi ekubwinya, akadzikatira nzvimbo yetsitsi; zvatisingarondedzeri tichiita chimwe chimwe ikozvino.
Hebr Shona 9:6  Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda nguva dzese mutabhenakeri yekutanga, vachipedzeredza mabasa ekushumira Mwari;
Hebr Shona 9:7  asi kune yechipiri mupristi mukuru waipinda ari ega kamwe pagore, kwete asina ropa, raaizvibairira iye pachake nezvitadzo zvevanhu;
Hebr Shona 9:8  Mweya Mutsvene achiratidza ichi, kuti nzira yenzvimbo tsvene yakange isati yataridzwa, tabhenakeri yekutanga ichimire;
Hebr Shona 9:9  yakange iri mufananidzo wenguva iyoyo, paibairwa zvese zvipo nezvibairo, zvisingagoni kupedzeredza maererano nehana iye anoshumira;
Hebr Shona 9:10  zvinongova zvekudya nezvinwiwa nekushamba kwakasiyana-siyana nezviga zvenyama, zvakaiswa pamusoro pavo kusvikira panguva yekururamisa.
Hebr Shona 9:11  Asi Kristu wakati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, kubudikidza netabhenakeri yakapfuura pakukura nepakuperedzerwa, isina kuitwa nemaoko, ndiko kuti isati iri yekusikwa kuno,
Hebr Shona 9:12  uye kwete neropa rembudzi nemhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe panzvimbo tsvene, awana rudzikunuro rwusingaperi.
Hebr Shona 9:13  Nokuti kana ropa renzombe nerembudzi, nemadota etsiru zvichisasa pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene kusvika pakuchenurwa panyama,
Hebr Shona 9:14  zvikuru sei ropa raKristu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvibaira kuna Mwari asina gwapa, richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, pakushumira Mwari mupenyu?
Hebr Shona 9:15  Uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti sezvo rufu rwakasvika pakudzikunurwa kwekudarika pasungano yekutanga, avo vakadanwa vagogamuchira chivimbiso chenhaka isingaperi.
Hebr Shona 9:16  Nokuti pane rugwaro rwenhaka, panofanira kukumikidzwa rufu rwaiye wakaita rugwaro rwenhaka.
Hebr Shona 9:17  Nokuti rugwaro rwenhaka rwune simba kune vakafa, sezvo rwusingatongovi nesimba kana wakaita rugwaro rwenhaka achiri mupenyu.
Hebr Shona 9:18  Naizvozvo kunyange yekutanga haina kugadzwa pasina ropa.
Hebr Shona 9:19  Nokuti zviga zvese zvakati zvataurwa kuvanhu vese naMozisi zvichienderana nemurairo, wakatora ropa remhuru nembudzi, pamwe nemvura nemakushe matsvuku, nehisopi*, akasasa zvese bhuku pacharo nevanhu vese,
Hebr Shona 9:20  achiti: Iri iropa resungano Mwari yaakakurairai.
Hebr Shona 9:21  Saizvozvowo wakasasa neropa zvese tabhenakeri nemidziyo yese yekushumira.
Hebr Shona 9:22  Zvino zvinhu zvinenge zvese maererano nemurairo zvinonatswa neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kanganwiro.
Hebr Shona 9:23  Naizvozvo zvakafanira kuti mifananidzo yezvinhu zviri kumatenga inatswe nezvizvi, asi zvinhu zvekudenga pachazvo zvinatswe nezvibairo zvakanaka kupfuura izvi.
Hebr Shona 9:24  Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa nemaoko, iri mifananidzo yezvechokwadi, asi wakapinda kudenga pachake, kuti ikozvino aonekerwe isu pachiso chaMwari;
Hebr Shona 9:25  uye kwete kuti azvibaire kazhinji, semupristi mukuru anopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe neropa rezvimwe;
Hebr Shona 9:26  dai zvakange zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi ikozvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva kuti abvise chivi kubudikidza nechibairo chake amene.
Hebr Shona 9:27  Uye sezvazvakatemerwa vanhu kuti vafe kamwe, uye shure kwezvizvi kutongwa;
Hebr Shona 9:28  saizvozvowo Kristu, abairwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazvinji, achazoonekwa rwechipiri asina chivi neavo vanomutarira, rwuve ruponeso.