Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
HEBREWS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 3
Hebr Shona 3:1  Naizvozvo, hama tsvene, vagovani vekudanwa kwekudenga, rangarirai muapositori nemupristi mukuru wekupupura kwedu, iye Kristu Jesu,
Hebr Shona 3:2  wakatendeka kuna iye wakamugadza, saMozisiwo muimba yake yese.
Hebr Shona 3:3  Nokuti uyu wakanzi wakafanira rukudzo kupfuura Mozisi, sezvo anovaka imba ane rukudzo kuipfuura.
Hebr Shona 3:4  Nokuti imba imwe neimwe inovakwa neumwe; asi anovaka zvese ndiMwari.
Hebr Shona 3:5  Zvino Mozisi zvirokwazvo wakanga akatendeka muimba yake yese semuranda, kuti huve uchapupu hwezvinhu zvaizotaurwa;
Hebr Shona 3:6  asi Kristu seMwanakomana pamusoro peimba yake; imba yake yatiri isu, kana chete tikabatisisa kushinga nekuzvirumbidza kwetariro kusvika pakuguma.
Hebr Shona 3:7  Naizvozvo sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,
Hebr Shona 3:8  musaomesa moyo yenyu, sepakumukira, nezuva rekuedzwa murenje,
Hebr Shona 3:9  madzibaba enyu paakandiedza, vachindinzvera, ndokuona mabasa angu makore makumi mana.
Hebr Shona 3:10  Naizvozvo ndakatsamwiswa nezera iro, ndokuti: Vanogara vachitsauka pamoyo; uye ava havana kuziva nzira dzangu;
Hebr Shona 3:11  naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangatongopindi pazororo rangu.
Hebr Shona 3:12  Chenjererai, hama, kuti kusava nemoyo wakashata wekusatenda pakati peumwe neumwe wenyu, pakutsauka kubva kuna Mwari mupenyu;
Hebr Shona 3:13  asi kurudziranai pazuva nezuva, kuchanzi nhasi; kuti kurege kuva neumwe wenyu anoomeswa nekunyengera kwechivi;
Hebr Shona 3:14  nokuti tava vagovani vaKristu, kana chete tichibatisisa kuvamba kwechivimbo kusvikira pakuguma;
Hebr Shona 3:15  kuchanzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu, sepakumukira.
Hebr Shona 3:16  Nokuti vamwe vakati vanzwa vakamukira, asi havasi vese vakabva Egipita kubudikidza naMozisi.
Hebr Shona 3:17  Asi wakatsamwiswa nani makore makumi mana? Havasi ivo vakatadza here, vane mitumbi yakawira murenje?
Hebr Shona 3:18  Uye ndivana ani vaakapikira kuti havangapindi pazororo rake, kunze kweavo vasina kutenda?
Hebr Shona 3:19  Zvino tinoona kuti vakange vasingagoni kupinda nekuda kwekusatenda.